Accessibility links

Breaking News

America Inoti Kutadza Kutonga kwaVaMnangagwa Ndiko Kuri Kuvhiringa Hupfumi hweZimbabwe, Kwete Zvirango


FILE - In this March 1, 2021 file photo, U.S. Ambassador to the United Nations, Linda Thomas-Greenfield speaks to reporters during a news conference at United Nations headquarters. The United States says it is giving $15 million to vulnerable…
FILE - In this March 1, 2021 file photo, U.S. Ambassador to the United Nations, Linda Thomas-Greenfield speaks to reporters during a news conference at United Nations headquarters. The United States says it is giving $15 million to vulnerable…

America inoti zvirango zvayakatemera vakuru vakuru muZimbabwe hazvisirizvo zviri kukonzera kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika ichiti hurumende yeZimbabwe ndiyo iri kutadza kutungamira zvakanaka.

Izvi zvinotevera gwaro rakaburitswa nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vakati zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nehurumende yeAmerica pamwe nedzimwe nyika dzekumavirira zviri kukanganisa raramo yeveruzhinji munyika.

Mumiriri weAmerica kusangano reUnited Nations, Ambassador Linda Thomas Greenfield, vaudza vatori venhau nhasi vari kuNew York kuti kutadza kutungamira zvakanaka kwehurumende yeZimbabwe ndiko kuri kukonzera kutambura kweveruzhinji munyika kwete zvirango zvakaiswa nehurumende yavo.

Hatina kukwanisa kutaura nemumiriri wesangano reEuropean Union, VaTimo Olkonnen, kuti tinzwewo divi ravo panyaya yezvirango iyi sezvo pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibunzo yavati tivatumire.

Asi EU yakataura munguva pfupi yadarika kuti hurumende yeZimbabwe inofanira kugadzirisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika pamwe nezvematongerwo enyika isati yabvisa zvirango.

Muzinda weBritain muZimbabwe wakaburitsa mashoko padandemutande rawo reTwitter mazuva mashomanana adarika uchiti kutengesera pakati peBritain neZimbabwe kuri kufamba zvakanaka zvisinei nezvirango zvakatemerwa vamwe vari muZanu PF.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati togozovafonera sezvo vanga vachiti vakabatikana nemusangano weZanu PF wepagore uri kuitirwa kuBindura.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, vati zvirango zviri kuonesa pfumvu munhu wese munyika zvisinei nekuti munhu anotsigira baro ripi rezvematongerwo enyika.

VaBimha vati Zimbabwe iri kuoneswa ndondo nenyika dzekumavirira nepamusana pekutorwa kwakaitwa minda kubva kuvarimi vechichena ichigoverwa kuvanhu vatema.

Imwe nyanzvi munyaya dzevamatongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati zvirango zviripo hazvisi zvirango zvehupfumi ndokusaka Zimbabwe ichikwanisa kutengeserana nenyika dzacho dzakaisa zvirango izvi uye vati havaone nyika idzi dzichibvisa zvirango izvi kana Zimbabwe isina kugadzirisa zvikonzero zvakaita kuti zvirango izvi zviiswe kubva pakutanga.

Kunyange gwaro raAmai Douhan rakakurudzira kuti America irege kushandisa mutemo weZidera kuti irambe yakaisa zvirango izvi vachiti zvirango izvi hazvisi pamutemo sezvo zvisina kubvumidzwa neUnited Nations Security Council, Amai Greenfield vati hurumende yavo haisi kuzodyira huroyi mukunyara vachiti hurumende yavo icharambawo yakatsika madziro panyaya yekuti kodzero dzevanhu dzicherechedzwe muZimbabwe.

Amai Douhan, avo vakanga vari munyika kwemazuva gumi adarika vachiongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika uye kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira zviri kukanganisa hupenyu hweveruzhinji zvakadii munyika, vakati ruzhinji rweZimbabwe rwuri kunhonga svosve nemuromo pamusana pezvirango izvi.

Amai Douhan vakakurudzira Zimbabwe kuti iite nhaurirano dzechokwadi nenyika dzakatemera zvirango nechinangwa chekuti zvirango izvi zvigobviswa vakatiwo hurumende yeZimbabwe pachayo inofanira kuona kuti munyika maitwa nhaurirano dzemandorokwati munyika pamwe nedzimwe nyika dzakaisa zvirango izvi.

Nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzinosanganisira America, Australia, Britain, Canada, Switzerland pamwe nesangano renyika dziri mugungano reEuropean Union.

Amai Douhan vakatarisirwa kusvitsa gwaro rezvavakawana muongororo yavo kumusangano weUnited Nations Human Rights Council uchaitwa muna Gunyana wegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG