Accessibility links

Breaking News

VaObama Vosvibiswa Moyo neMaitiro aVaMugabe


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vakaita musangano nevatungamiri vechidiki vemasangano anoshanda ari muAfrica, kana kuti Young African Leaders Forum.

Vechidiki vanobva kunyika dzinosvika makumi mashanu dzemu Africa, vakawana mukana wekutaura naVaObama. Vechidiki ava vanosangisirawo vemuZimbabwe, vanoti VaSydney Chisi, mutungamiri weYouth Initiative For Democracy in Zimbabwe, Muzvare Cleopatra Ndlovu, avo vaimbova Executive Director veWomen in Parliament Support Unit, pamwe naVaMasimba Nyamanhindi, Program Coordinator veStudent Solidarity Trust.

Vachipindura mubvunzo waVaChisi pachiitiko ichi neChipiri, VaObama vakati vari kuodzwa moyo nematongero aVaMugabe vakati hapana zvavari kuita zviri kubatsira vana veZimbabwe.

VaObama vakatiwo pose pavanotaura nevatungamiri veSADC, vanenge vachitaura nyaya yekuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe zvinobviswa riini.

VaObama vakati zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo zvinobviswa chete kana varatidza kuti vamisa nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu, nekuti hurumende yeAmerica inoda kuona shanduko yechokwadi mumaitiro aVaMugabe nevamwe vavo.

VaChisi, vanova vakabvunza VaObama mubvunzo, vanoti VaObama vakabaya dede nemukanwa. Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti mashoko aVaObama haana nematuro ose.

XS
SM
MD
LG