Accessibility links

Breaking News

America Inoti Haisi Kuzobvisa Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe neVamwe Vavo


Hurumende yeAmerica iri kukurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, kuti vaise musoro pamwe kuitira kuti vamise kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitika munyika.

Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa neChina pakati pemakurukota matau eZimbabwe anoti gurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma veMDC-T, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa veZanu-PF uye gurukota rezvekubatana kwematunhu pasi rose, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga veMDC-M.

Vaitungamira America ndiVaJonnie Carson, munyori munyaya dzekudyidzana neAfrica muhurumende yeAmerica. America yasimbisazve kuti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo vanodarika mazana maviri kusvika vamira nyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

Zimbabwe yainge yakumbirawo mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, uye mutungamiri weMalawi, VaBingu Wa Mutharika, kuti vavabatasire kuburikidza nekukumbira America ne European Union kuti dzibvise zvirango zvekufamba zvakatemerwa vamwe vakuru muZumbabwe.

Asi uku kwakava kutandanisa mhepo sezvo pasina chakabuda. VaMangoma, avo vaitungamira chikwata cheZimbabwe, vanoti vari kufara nekuti vaumba hwaro hwenhaurirano neAmerica.

Mutevedzeri wemunyori mubazi rezvekudyidzana neAfrica, Amai Susan Page, vanotiwo Zimbabwe ichine rwendo rwurefu panyaya yekuremekedza kodzero dzevanhu.

Vati nekuda kwemamiriro akaita zvinhu, zvirango hazvisi kuzobviswa. Amai Page vatiwo zviroto zveZanu-PF kufunga kuti MDC ine simba rekuti America ibvise zvirango zvayakatemera VaMugabe navana sahwira vavo.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti havana basa nezvinotaurwa neAmerica nekuti vanhu vemuZimbabwe ndivo vanokosha kubato ravo.

XS
SM
MD
LG