Accessibility links

Breaking News

America Inoti Haisi Kufara neKushungurudzwa Kuri Kuitwa Vanhu muZimbabwe


U.S. Deputy Assistant Secretary of State for African Affairs Susan Page addressing a news conference in Harare, Zimbabwe.
U.S. Deputy Assistant Secretary of State for African Affairs Susan Page addressing a news conference in Harare, Zimbabwe.

Mutevedzeri wemunyori anowona nezvinoitika muAfrica muhurumende yeAmerica, Amai Susan Page, vanoti hurumende ye America haisi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa veruzhinji mu Zimbabwe kwavati kuri kuitwa nevanhu vanochengetedza mitemo. Amai Page vataura izvi pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare.

Amai Page vati haasi mapurisa pamwe nemasoja ose ari kushungurudza vanhu, sezvo muchipurisa nemuchiuto muine vanhu vamwe vanhu vanoremekedza kodzero dzevanhu. Vakurudzira vari muchipurisa nemuchiuto vanoremekedza kodzero dzevanhu kuti vadzore vamwe vavo vachiti mapurisa nemasoja havafaniri kurerekera kubato rimwe chete.

Kushorwa kwaitwa mapurisa nemasoja panyaya dzemhirizhonga ne America, kunouyawo apo mukuru wemapurisa, Police Commissioner General, Va Augustine Chihuri, vakaudza makomiti eparamende neseneti anowona nezvekuchengetedzwa kwevanhu neChina kuti nhengo dzeMDC ndidzo dziri kukonzera mhirizhonga yakawanda munyika. Asi veruzhinji vanoti Zanu PF ndiyo iri kukonzeresa mhirizhonga, kunyange hazvo mapurisa ari kusunga vanhu veMDC chete.

Amai Page vati America iri kushuvira kuti munyika muitwe sarudzo dziri pachena.

Mashoko aya anoenderana neakataurwa nemutevedzeri wemutungamiri we South Africa ku Cape Town neChina, Va Kgalema Montlanthe, ekuti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dziri pachena vachiti vaongorori vesarudzo vanobva kunyika dzekunze dzakwanda, vanofanira kuongorora sarudzo idzi sezvakaitwa muna 1980.

Kuti sarudzo idzi dzifambe mune zvakanaka, Amai Page vati mapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa anofanira kuona kuti aita zvose zvaakabvumirana pasi pechibvumirano chezvematongerwo enyika cheGlobal Political Agreement.

Vati veruzhinji muZimbabwe vanofanirwa kupihwa mukana wekuteerera nhepfenyuro dzavanoda kubukidza nekupihwa marezerezi kwenhepfenyuro dzakawanda.

Vatiwo America pamwe nedzimwe nyika dzekunze inoda kusima mari muZimbabwe, asi izvi zvinoitika chete kana hurumende ikaremekedza mitemo uye kuremekedza kodzero dzevanhu vanenge vachitanga mabhizinesi muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vakati vanoda kupamba makambani ekunze, zvikurusei ayo ane nyika dzakavatemera ivo nevamwe vavo zvirango.

Asi Amai Page vati America icharamba yakadzika zvirango izvi vachiti iyi inzira yekuti vanhu vari pasi pezvirango vaone kuti vadzosera nyika kuhutongi hwejekerere.

Amai Page vanga vari muZimbabwe kubva nemusi weSvondo vachishanyira nzvimbo dzakasiyana siyana, pamwe nekusangana nevakuru vakuru muhurumende pamwe nemumasangano akazvimirira.

Amai Page vachange vari mu Mozambique kutanga Chishanu manheru.

XS
SM
MD
LG