Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Kurwiswa Kwayo Makore Gumi Apfuura


America yacherechedza neSvondo gore rechugumi kubva payakarwiswa nemagandanga e Al-Qaida achishandisa ndege sezvombo musi waGunyana 11, 2011.

Kurwiswa uku kwakasiya vanhu vanodarika zviuru zvitatu vafa, America ikatanga hondo yekurwisa Al-Qaida munyika dzakasiyana siyana.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, pamwe nevaimbove mutungamiri wenyika iyi, Va George W. Bush, vashanyira nzvimbo yekurangarira ichangopedzwa kuvakwa panzvimbo paive neWorld Trade Centre mu New York.

Mazita evanhu vakafa muchiitiko ichi averengwa muhurongwa uhu.

VaObama vaverengawo bhaibheri kubva mubhuku raPsalm mugwaro rechimakumi mana nerechitanhatu, kana kuti Psalm 46.

Ukuwo VaGeorge W Bush vaverenga tsamba yakanyorerwa imwe shirikadzi yakarasikirwa nevanakomana vayo vashanu muhondo yemuAmerica nevaimbove mutungamiri wenyika iyi panguva iyoyo, Va Abraham Lincoln.

VaObama vashanyirawo Shanksville, kuPennysylvania, uko varangarira zvakare zvakaitika musi waGunyana 11, 2001 uko kwakadonhera imwe ndege yakashandiswa mukurwisa zvivakwa. VaObama vazodzoka muWashington umo vaisa maruva pamuzinda we Pentagon, apo pakarwiswawo nemagandanga achishandisa ndege yemu America, ye American Airlines Flight 77.

Ndege ina dzakapambwa dzikashandiswa mukurwisa America. Ndege mbiri, American Airlines Fight 11 ne United Airlines Flight 175, dzakashandiswa mukuparadza World Trade Centre, imwe ye American Airlines Flight 77 yaibva muWashington ichienda ku Los Angeles, yakapambwa ikashandiswa paPentagon.

Ndege yechina, United Airlines Flight 93, iyo yaibva paNewark ichienda ku San Francisco, ndiyo yakadonhera muPennysylvania.

Ukuwo vanhu vazhinji muZimbabwe vabatana nevanhu vemu America mukurangarira zuva iri. Vazhinji muZimbabwe vanoti vachiri kushushikana zvikuru nezvakaitika musi uyu. Vamwe vanotiwo Havana kumbozvifunga kuti nyika yakasimba seAmerica, ingarwiswa zvakadaro.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vanoti zvakakosha kuti America idyidzane zvakanaka nedzimwe nyika.

XS
SM
MD
LG