Accessibility links

Breaking News

America Inoti Vanhukadzi Vanofanirwa Kupinda Misangano Yakaita seIcasa


 Dr. Deborah Birx
Dr. Deborah Birx

Mukuru wehurumende yeAmerica anoona nezvemabasa ekudzivirirwa nekurwisana neHIV/AIDS, Ambassador Deborah Birx, avo vari kupinda mumusangano we International Conference on AIDS and STIs in Africa, vanoti zvakakosha kuti vakadzi vechidiki nevasikana vawane ruzivo pamusoro peHIV/ AIDS vachiti ruzivo runoita kuti vakwanise kuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Birx vati vanasikana nevakadzi vechidiki ndivo vane mikana yakawanda yekubatwa neHIV/AIDS uye zvakakosha kuti varege kuita zvinhu zvinoita kuti vapedzesere vabatwa neHIV/AIDS.

Amai Birx, avo vanoona nezvechirongwa cheUnited States President’s Emergency Plan for AIDS Relief, PEPFAR, vati chinangwa chavo ikozvino ndechekuona kuti mari yechirongwa ichi yashandiswa zvine mwero munzvimbo dzakanyanyowanda chirwere ichi.

Vati Zimbabwe ndeimwe yenyika pasi rese iri kuita basa guru rekurwisana neHIV/AIDS vakati ndosaka PEPFAR iri kuramba ichiwedzera mari yekutsigira mabasa ekurwisana neHIV/AIDS muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG