Accessibility links

Breaking News

America Yopa WFP Mari Yekuti Itengere Zimbabwe Chikafu


Brian Nichols, the new U.S. ambassador to Zimbabwe, says he hopes to see more educational and cultural exchanges between the U.S. and the eastern African country. (State Department courtesy photo)

America inoti iri kupa Zimbabwe mari yerubatsiro inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica, iyo ichashandiswa mukurwisa dambudziko renzara munyika.

Vachitaura vakamirira mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, Muzvare Stephanie Funk vanova mukuru we U.S. Agency for International Development muZimbabwe, vati mari iyi ichapiwa kuWorld Food Program kuti ibatsire avo vakatarisana nenzara yekushaya zvekudya kutanga mwedzi waNyamavhuvhu.

Muzvare Funk vatiwo vanotarisira kuti vanhu vanosvika miriyoni imwechete vachabatsirikana zvakanyanya panonyanyonetsa zvekudya muna Ndira kusvika muna Kubvumbi 2021.

Mugwaro ravabudisa, Ambassador Nichols vatiwo apo Zimbabwe yakatarisana nematambudziko enzara nedenda reCOVID-19, America yakazvipira kubatsira vanhu vemuZimbabwe.

Nyanzvi munezvekurima uye vari mukuru weZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vaudza Studio 7 kuti hazvina chimiro chakanaka kuti nyika igarobatsirwa nezvekudya.

VaZakariya vati nyika inofanirwa kuvandudza zvekurima kuitira kuti zvekurimisa zviwanikwe nyore uyewo kuitwe madiridziro.

Vatiwo Zimbabwe ikaramba ichirima nemvura yemudenga, nzara icharamba yakafunya chisero munyika nekuda kwekuchinja kwemamiriro ekunze.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJeff Chaitezvi, vati nzara yanetsa zvikuru munyika sezvo vanhu vakawanda vari kutadza kuita mabasa anovararamisa nekuda kwechirwere cheCOVID-19.

Amai Slyvia Shoko vatiwo zvingabatsire kana masangano akazvimiririra akabatsira vanhu nezvekudya.

Zimbabwe Vulnerability Assesment Committee, iyo inosanganisira bazi rezvekurima nemamwe mapazi, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu kumaruwa vakatarisana nenzara.

World Food Program inoti vanhu vanosvika mamiriyoni masere muZimbabwe yose vanoda rubatsiro rwechikafu kudzamara mwaka wekukohwa wasvika gore rinouya.

America ndiyo iri pamberi penyika dzese kubatsira Zimbabwe mungave munyaya dzechikafu kana dzehutano

Zvichakadaro, veruzhinji vari kuchema chemawo munyika nemakwiriro ari kuitawo mitengo yezvinhu zvinoshandiswa mazuva ose.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti marita maviri emafuta ekubikisa ave kutangira pamazana maviri nemakumi matanhatu ane madhora mashanu ukuwo makirogiramu makumi maviri ehupfu ave kuda mazana mana emadhora.

Sipo yekuwachisa ine mutengo uri pasi yave kudawo madhora zana nemakumi maviri, ukuwo shuga makirogiramu maviri inoda mazana maviri nemakumi matatu emadhora asi pari zvino haisi kuwanikwa muzvitoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG