Accessibility links

Breaking News

Russia Inotemerwa Zvirango Pamusoro PaVaAlexey Navalny


VaAlexey Navalny
VaAlexey Navalny

Musi wa 20 Nyamavhuvhu, 2020, murume anorwisa huori uye anoshora hutongi hwemutungamiri weRussia, VaAlexey Navalny, vakarwara zvikuru vari mundege kuRussia.

Pavakange vachirapiwa kuGermany kwavakaendeswa, sangano reOrganization for the Prohibition of Chemical Weapons, richibatsirana nenyika dze Germany, France neSweden, rakaona kuti VaNavalny vakange vapiwa muchetura unonzi ‘Novichok’.

Zvichitevera kupora kwavo muna 2021, VaNavalny vakadzokera kuRussia, uko vakasvika vachisungwa ndokutongerwa makore maviri nemwedzi misere mujeri, vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yavakadzikirwa pavakambowanikwa vaine imwe mhosva yezvematongerwo enyika mugore ra 2014.

Musi wa 2 Kurume, bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, United States Department of State, rakazivisa kuti gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAnthony Blinken, vakati vanogutsikana kuti hurumende yeRussian Federation yakashandisa muchetura pazvizvarwa zvayo, izvo zvinotyora mutemo weChemical Weapons Convention. Naizvozvo, America, pamwe chete neEuropean Union, dzakatemera Russia zvirango.

VaBlinken vakati, “America inobatana neEuropean Union mukushora zvakaitwa nehurumende yeRussian Federation, zvekushandisa muchetura mukuedza kuuraya VaAleksey Navalny muna 2020 uye kuzovavharira mujeri muna 2021.”

VaBlinken vakaenderera mberi vachiti, “America inobvumirana neEuropean Union kuti Russian yave kunyanya kutonga nechisimba naizvozvo America ichatemera Russia zvirango.”

Bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika ririkuwedzera zvirango pamusoro pezvimwe zvakatemerwa Russia mugore ra 2018 mushure mekuedza kwayo kuuraya VaSergei Skripal muUnited Kingdom. Bazi reAmerica rinoona nezvemari, Department of the Treasury, pamwe chete neDepartment of State, atemeravo zvirango vamwe vanhu nemakambani emuRussia vane chekuita nekugadzirwa kwemichetura iyi nevamwe vanoshanda mubazi rezvekudzivirirwa kweRussia pamwe chete nevamwe vasori.

Russia icharambidzwavo kutengesa zvombo zvehondo.

VaBlinken vanoti America iri kuzivisa Russia kuti haizoregi Russia ichishandisa michetura sezvombo zvehondo pamwe chete nekutyora kodzero dzevanhu.

Vanoti America inoona kuti VaNavalny varikusungirwa zvematongerwo enyika, izvo zvinobvumiwavo nenyika nomwe dzakabudirira, kana kuti G7, pamwe chete nedare rinorwira kodzero dzevanhu, re European Court of Human Rights.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG