Accessibility links

Breaking News

America Yorwisa Huori hweChina muCambodia nePasi Rose


UDG yekuChina ichivaka nhandare yendege muCambodia
UDG yekuChina ichivaka nhandare yendege muCambodia

Hurumende yeAmerica yakanangana nekurwisa huori huri kuitwa neChina mumabhizimisi ichibiridzira zviwanikwa zvenyika dzakawanda pasi rose, kusanganisira Cambodia.

Hofisi yebazi rezvemari muAmerica, ye U.S.Treasury Department’s Office of Foreign Assets Control, yakatemera zvirango kambani yehurumende yeChina, yeUnion Development Group, kana kuti UDG, zvichitevera kubvuta nekuparadza kwayakaita minda yevanhu vemuCambodia kuitira kuti ivake zvivakwa pasi pechirongwa chayo che Dara Sakor Development Project, munzvimbo idzi.

UDG yakaiswa pazvirango pachishandiswa mutemo unopa mutungamiri weAmerica masimba ekutara mutemo we Executive Order 13818.Mutemo uyu wakashandiswa mukuzadzisa zviga zvemutemo weGlobal Magnitsky Human Rights Accountability Act, kutemera UDG zvirango, izvo zvinobata vanotyora kodzero dzevanhu, vanoita zvehuori, pamwe nevatsigiri vavo.

Minda yakapihwa UDG inopinda munzvimbo inochengeterwa mhuka, yeBotum Sakor National Park, inova nzvimbo ine zviwanikwa yakachengetedzwa uye inogona kupihwa kuna ani zvake pachishandiswa mitemo yakakosha yemu Cambodia.

Kuti UDG itore nzvimbo iyi, yakazvinyoresa sekambani yemu Cambodia inotungamirwa nechizvarwa chemu Cambodia, asi mukati memakore matatu yapihwa minda iyi, UDG yakazvivandudza kuve kambani yekuChina, ikaramba ichishanda pasina zvakaitwa kwairi.

China inoshandisa zvirongwa zveUDG muCambodia kuitira kuti isimbaradze zvirongwa zvayo zvehupfumi pasi rose.

Zvirongwa zvinotsigirwa neUDG zviri kubvisa vanhu vemuCambodia muminda yavo, uye zviri kuparadza zviwanikwa nezvakatikomberedza, kuvhiringa hupenyu hwevanhu vemunharaunda, zvose izvi zvichiitwa vanhu vachibatwa kumeso zvichinzi zvakanangana nekuvandudza Cambodia, pamwe nekusimbaradza kushanyirwa kwenyika iyi.

Sezviri kuitika nguva dzose, chirongwa chehurumende yeChina, che ‘One Belt One Road’, chinoshandiswa neChina mukuzvisimbaradza, asi vanhu vemu Cambodia vasina chavanowana. Ichishanda nevaimbove mukuru wemauto muCambodia, VaKun Kim, mauto emuCambodia akabvisa vanhu muminda zvechisimba kuitira kuti chirongwa che Dara Sakor chitangwe.

VaKim vakabatsira UDG kuti iwane minda iyi vakabhadharwa mari yakawanda.

Kanzuru yemakurukota emuCambodia yakaudza UDG kuti imise kupunza misha yevanhu nekutora minda yavo, asi UDG haina kuteerera izvi.VaKim vakambotemerwa zvirango neAmerica muna Zvita 2019.

America inoti icharamba ichitora matanho anorambidza China kutora zvisina mwero hupfumi hweCambodia nepasi pose, uye ichaita izvi ichashanda nemadzisahwira ayo mudunhu riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAsia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG