Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

America Inobatsira Dzimwe Nyika neMushonga weNhomba yeCovid-19

President Joe Biden

Pamusangano wakaitwa nenyika dzakabudirira dzeG7, nyika idzi dzakazvipira kubatsira dzimwe nyika nenhomba yeCovid-19.

Nhomba idzi, pamwe chete nezvakavimbiswa kubva muna Kukadzi 2021, zvichasvitsa rubatsiro rwemushonga rwese urwu pabhirioni remadhora mugore riri kuuya, America ichibatsira nehafu yemushonga iyi.

Mugwaro ravakabudisa, vatungamiri venyika dzeG7 vakati chinhu chekutanga chavanoda kuitira dzimwe nyika dzepasi rose kuona kuti mushonga wakanaka uye unoshanda uwanikwe nenyika dziri kubudirira sezvo kubaiwa nhomba kwavanhu vose pasi pano chiri chinhu chakanakira vagari vose pasi pano.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakafara nekuzvipira kwakabvumiranwa uku, zvikurusei sezvo kwakauya mushure mekutaura kwavo kuti America ichatenga mishonga yePfizer/BioNTech inoita zviuru mazana mashanu kuti ipiwe kunyika dzinoita zana.

Sekutaura kwakaita VaBiden, America iri kutenga mushonga wekupa dzimwe nyika unopfuura wakambotengwa nenyika ipi zvayo.

VaBiden vakati, “Zviuru mazana mashanu zvemushonga wenhomba uyu zvichatanga kuendeswa kunyika dzakasiyana siyana mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino. Zviuru mazana maviri zvemushonga uyu zvichaendeswa kuned zimwe nyika gore rino, uye zviuru mazana matatu zvichaendeswa mumwedzi mitanhatu yekutanga mugore ra2022.”

Kuzvipira kweAmerica kubatsira dzimwe nyika nemishonga yenhomba yePfizer inoita zviuru mamirioni mazana mashanu kuri kuwedzerwa pamusoro pe mishonga inoita mamirioni makumi masere akavimbiswa dzimwe nyika naVaJoe Biden, avo vakazvipiravo kubatsira nemari inoita mabhirioni maviri emadhora eku America ekubatsira sangano rinobatsira dzimwe nyika mukuwana mushonga wenhomba.

Chivimbiso chakaitwa nenyika dzeG7 chinoratidza kuti kubva muna 2020, nyika dzeG7 dzakazvipira kubatsira dzimwe nyika nemabhirioni maviri emushonga wenhomba.

Nyika dzeG7 dzakazvipiravo kubatsira dzimwe nyika mukugadzira mushonga wenhomba munyika dzayo dzichishanda neQuad Vaccine Partnership yeAmerica, Australia, India neJapan.

VaBiden vanoti zviri pachena kuti nyika dzeG7 dzinobvumirana kuti zvadzakavimbisa izvi hazvisi izvo zvese zvadzichaita, vachiti kubatsira uku kuchaenderera mberi kwenguva yakareba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

America Yokurudzira Kuti Vatori veNhau Vasambunyikidzwa Vachiita Basa Ravo

VaAntony Blinken

Mugwaro ravakabudisa, mutevedzeri wemukuru wemapurisa eFederal Bureau of Investigation (FBI), VaWilliam Sweeney, vakati chikwata chinotsigirwa nehurumende yeIran chakaedza kubvuta mutori wenhau anogara muAmerica kuti vamudzorere zvechisimba kuIran.

Mutori wenhau uyu ndiMuzvare Masih Alinejad, akazvarirwa kuIran asi ave mugari wemuAmerica.

Kwemakore mazhinji, Alinejad akashanda semutori wenhau muIran, izvo zvakakonzera kuti hurumende yeIran ishatirwe naye pamusoro pezvaakange achibudisa pachena.

Kubva zvaatiza kubva kuIran muna 2009, Alinejad ave nemukurumbira pa’social media’, paanogara achishora kumanikidzwa kwevanhukadzi muIran kuti vashandise jira rekuvhara misoro yavo, kana kuti hijab.

MuAmerica, Alinejad anechirongwa chaanokokera panhephenyuro yeVoice of America.

Mutauriri wemuzinda weWhite House, Amai Jen Psaki, vakashora Iran mukuronga kubvuta Alinejad, vachiti Iran inoda kunyaradza manzwi eavo vanoshanda murugare muIran nekune dzimwe nyika.

Muongororo inonzi ‘2021 World Press Freedom Index’, yakaitwa nekunyorwa nesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau, reReporters Without Borders, Iran iri pachinzvimbo chezana nemakumi manomwe nechina (174) kubva munyika zana nemakumi masere (180) dzinobvumira vatori venhau kushanda vakasununguka.

Sangano iri rinoti, mukudzvanyirira vatori venhau, hurumende yeIran inoshandisa nzira dzechisimba, dzinosanganisira kuvabvunzurudza, kuvaisa mumajeri kana kuvauraya.

Sekutaura kwakaitwa negurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, Iran haisi iyo nyika yega inoshungurudza nekumbunyikidza vatori venhau.

VaBlinken vakati hofisi iri mubazi ravo yakabudisa zvayakawana muongororo yayakaita, inonzi Human Rights Report, inotatidza kuti vatori venhau vazhinji varikumbunyikidzwa nekuurairwa basa ravo.

Sangano rinorwira kuchengetedza kwevatori venhau, reCommittee to Protect Journalists, rinoti muna 2020, huwandu wevatori venhau vakaurayirwa kuita basa ravo hwakapetwa kaviri, richiti vatori venhau vazhinji vakaurawa muMexico neAfghanistan.

Sangano iri rinotivo huwandu hwevatori venhau vakasungirwa kuita basa ravo mugore ra2020 hwakasvika pahusina kumbosvika kubva zvavatanga kuongorora kunetseka pabasa kwevatori venhau, richiti vazhinji vevatori venhau vakasungwa muPeople’s Republic of China, Turkey, nemuEgypt.

Mushure mekuziviswa kuti Iran yakange yaedza kumubvuta muAmerica, Masih Alinejad akataura pfungwa dzevatori venhau pasi pose achiti haazoregi kuita basa rake, sezvo zvese zvirikuitika kwaari zvichimusimbaradza.

VaBlinken vanoti chokwadi chinobudiswa nevatori venhau chinobatsira mukuvaka hurumende dzejekerere, vachitizve vanokurudzira hurumende dzepasi pose kuti dzichengetedze vatori venhau uye kuti dzione kuti vatori venhau vanoita basa ravo pasina njodzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Maonero eAmerica paNyaya yeNzara Pasi Rino

mudzimai wekuAfghan akatakura chikafu kubva ku United States Agency for International Development (USAID), ( Kabul, Afghanistan, July 26, 2011)

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yezuva rekupedza nzara kana kuti World Hunger Day. United Nations inoti nzara zvinoreva nguva yekuti vanhu vanenge vachishaya zvekudya kwemazuva akawanda.

Asi vanhu havayaure nenzara nekuti nyika dzepasi rino dzinenge dzisina goho rakakwana. Kunyangwe paine chikafu chinokwanira vanhu vose, vanhu mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mana nematanhatu kana kuti 746 million vanorara nenzara.

Musi wa 28 Chivabvu anove mangwana, nyika dzepasi rino dzinocherechedza zuva renzara kana kuti World Hunger Day.

Kusanganisira gore rino, ave makore gumi zuva iri richicherechedzwa uye izvi zviri kuuya panguva iyo vanhu mamiriyoni mapfumbamwe vari kufa gore roga roga nekuda kwenzara. Asi kunyangwe zvakadaro, United Nations inoti huwandu hwevanhu vari kuziya nenzara huri kuramba huchiderera.

Mumakore mana ekutanga emakore ekuma 1900, vanhu vanosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% vange vachifa nenzara. Asi muna 2015, huwandu uhu Hwange hwaderera kusvika pazvikamu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 9%.

Asi mumakore mashanu akatevera,vakawanda vakatangazve kushaya zvekudya zvichikonzerwa nenyaya yehondo, kusanaya zvakanaka kana kunayisa kwemvura uye kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi munyika dzakasiyana siyana.

Kubva muna 2018 kusvika 2019, huwandu hwevanhu vari kuyaura nenzara hwakawedzera nevanhu mamiriyoni gumi.

Kuuyawo kwechirwere cheCovid-19 kwabva kwakandawo vakawanda mukanwa mamupere sezvo vakarasikirwa nemabasa uye kusarimwa ne kugadzirwa kwezvekudya nekuda kwekutyira kupararira kwechirwere ichi kwakapawo kuti mitengo yezvinhu idhure zvakanyanya.

Covid-19 yakapawo kuti kushanyira kana kutaura nevari kunzvimbo dzine nzara kunetse.

Asi hurumende yeAmerica iyo inopa rubatsiro rwakawandisa kunyika dzepasi rino kuburikidza nezvirongwa zvakaita seFeed the Future nezvimwe zvinoitwa ne U.S. Agency for International Development, the State Department, nebazi rezvekurima inoti yakazvipira kuramba ichibatsira vari kuyaura nenzara pasi rino.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yenzara pasi rino.

Mashoko Anotaura Pamire Humende yeAmerica paNyaya yeNzara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Maonero eAmerica paKusaitwa kweSarudzo muSomalia

Mutungamiri weSomalia Va Mohamed Abdullahi Mohamed

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika muSomalia.

Makore mana ekutungamira nyika yeSomalia kwaVaMohamed Abdullahi Mohamed vanozivikanwa nekuti Farmaajo akasvika kwamvura yacheka makumbo nemusi wa 8 Kukadzi asi vachiri pachigaro sezvo paine kunetsana pakati pavo nevatungamiri vematunhu kana kuti Federal Member State kuti sarudzo dzinoitwa riini.

Musi wa12 Kubvumbi, dare reparamende remuSomalia rakatambira bhiri rekuti nhengo dzedare dziramba dziri vamiriri kwemamwe makore maviri pasina kuitwa sarudzo.

Mutungamiri wenyika VaFarmaajo vakabva vatambira bhiri iri zuva rakatevera kunyangwe nhaurirano dzainge dzisati dzapera dzekuti gakava iri rogadziriswa sei.

Dzimwe nyika kusanganisira America dziri kushora zvikuru danho rekuwedzera makore ekutonga pasina kuitwa sarudzo dzichiti zvinokonzera kusagadzikana munyika iyi nedzakapoteredza uye kuti zvinopa chikwata chinopfurikidza mwero cheAl -Shabaab mukana wekurwisa zvakasimba hurumende chichitora mukana wekusabatana uyu.

America nedzimwe nyika dziri kuyambirawo kuti kusagadzirisa gakava iri kuchapa kuti hurumende itadze kuwana nguva yekugadzirisa mamwe matambudziko akatarisana nevanhu.

Mumashoko kuvatori venhau, gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken vanoti havatendereni nevanoda kuramba vachitonga pasina kutenderana kwevanhu vose munyika uye kuti vashoma vangovhote panyaya yakakosha iyi.

VaBlinken vanoti maitiro aya anokonzera kusawirirana uye kuvhiringidza nyaya yekuvandudza nyaya dzezvematongerwo enyika uye kupa kuti vanhu vasiyane nekurwisa Al Shabaab vachinetsana. Vaenderera mberi vachiti zviri kuitwa nehurumende Izvi zvinonotsawo kuitwa kwesarudzo dzakatarisirwa nevanhu vakawanda vemuSomalia.

VaBlinken vati America inokwanisa kutemera vamwe vakuru vemunyika iyi zvirango uye kumbomira kuipa rumwe rubatsiro.

Nyika iyi inorarama nerubatsirwa rwunobva kunyika dzekunze kuti iwane zvekudya uye zvombo zvehondo zvekuzvidzivirira.

VaBlinken vakurudzira mapato ose ari muSomalia kuti atangezve hurukuro pasina kuita humbimbindoga zvinozounza kusagadzikana.

Ayo mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika kuSomalia.

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pane Zviri Kuitika muSomalia
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


America neMadzisahwira Ayo Dzokurudzira Ethiopia KUita Nhaurirano dzeKupedza Kurwisana muTigray

Gurukota reAmerica rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken nemukuru wehurumende yeEthiopia,VaAbiy Ahmed.

Gurukota re America rinoona ne zvekudyidzana nedzimwe nyika, rakabatana nemakurukota ezvekudyidzana ne dzimwe nyika anobva kunyika dze G-7, dzinosanganisira Canada, France, Germany, Italy, Japan ne United Kingdom, pamwe chete ne mumiriri we European Union, vanoshushikana nekutyorwa kwekodzero dzevanhu nekumbunyikidzwa kwavo mudunhu re Tigray mu Ethiopia.

Kurwisana kwakatanga muna Mbudzi mushure mekunge mutungamiri weEthiopia, VaAbiy Ahmed, vatumira mauto mudunhu reTigray nechinangwa chekudzosera hutongi hwe mutemo nekubvisa pahutongi bato reTigray People’s Liberation Front, raipomerwa mhosva yekurwisa kamba ye mauto eEthiopia.

Kubva patanga kurwisana uku, vanhu vazhinji vakatiza kubva mudunhu reTigray vachinotsvaka hupoteri munyika yakavakidzana ne Ethiopia, ye Sudan.

Mugwaro rakabudiswa nenyika dze G-7, nyika idzi dzinoti dzinoshora zvakadzama kuurawa kwevanhu, kushungurudzwa kwevanhukadzi, nekubviswa kwe vapoteri ve kuEritrea nevanhu veTigray mumisha yavo.

Nyika dze G-7 dzinokurudzira mativi ose ari kurwisana kuti achengetedze hupenyu hwevanhu nekodzero dzavo, pamwe chete nekuremekedza mitemo inoteverwa ne nyika dzose.

America ne madzisahwira ayo vanotarisira kuti hurumende ye Ethiopia ichasunga vose vari kutyora kodzero dzevanhu.

Masangano anoona ne zvekodzero dzevanhu, eEthiopian Human Rights Commission ne hofisi ye United Nations High Commissioner for Human Rights, akabvumirana kuongorora kutyorwa kwe kodzero dzevanhu kwakaitwa ne mativi ose ari kurwisana mudunhu reTigray, vachiti zvakakosha kuti masangano akazvimirira aite ongororo ye mhosva dzakaparwa kuti vose vakatyora kodzero dzevanhu vasungwe.

America ne madzisahwira ayo vanokurudzira vari kurwisana kuti vape mukana wekupinda munzvimbo idzi kune vanobatsira kuti vakwanise kusvitsa rubatsiro kune avo vari kunetseka.

Pane kutyira kuti dzimwe nzvimbo dziri pakati uye kumabvazuva kwe Tigray hadzisisina chikafu.

VaAbiy vakazivisa kuti mauto eEritrea achabuda mu Tigray. America ne madzisahwira ayo vanokurudzira kuti izvi zviitwe nekukurumidza uye zviri pachena.

America ne madzisahwira ayo vanokurudziravo kuti kurwisana kupere uye kuti paitwe nhaurirano dzinounza kushanda pamwe chete kwe vari kurwisana kuti pagoitwa sarudzo dzakachena, dzinounza kushanda nekugarisana zvakanaka kwevanhu vose mu Ethiopia ne Tigray.

Nyika dze G-7 dzinoti dziripo kubatsira vanhu vari kunetseka munzvimbo iyi pamwe chete nekubatsira ongororo dze kutyorwa kwe kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG