Accessibility links

Breaking News

Ambassador Ray Vanoti Zimbabwe Inofanirwa Kuteerera Vanhu Vayo


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaCharles Ray, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuremekedza zvinotaurwa nezvizvarwa zvayo. Ambassador Ray vanotiwo chinangwa cheAmerica muZimbabwe hachishanduke nezvichabuda pasarudzo dzemu America dziri kuitwa.

Vachitaura neChipiri mangwanani paChinhoyi University of Technology, Ambassador Ray, vati dambudziko guru
rakatarisana neZimbabwe inyaya yekuti hurumende hairemekedze zvido zvevana vemuZimbabwe.

VaRay vati kuteerera zvido zvevanhu vemuZimbabwe zvinoreva kugamuchira kwehurumende zvinobuda musarudzo pamwe nemukutaurirana.

VaRay vati vane chivimbo chekuti hurumende yemuZimbabwe ichaisa hurongwa hunoita kuti vana vemuZimbabwe vanzwikwe pasarudzo dzichaitwa munyika. Vatiwo vanotarisira kuti munyika muchange magadzikana panoitwa sarudzo idzi.

VaRay vatiwo kutaurirana chete hakuunze pundutso munyika, asi kuti hurumende inofanirwa kuteerera pamwe nekuita zvinotaurwa nevanhu vayo.

Vachipindura mubvunzo, VaRay vati nyika yavo haina kutemera nyika yose zvirango zvehupfumi, asi kuti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa vakuru vemuZimbabwe vanoita uye vanokurudzira mhirizhonga munyika.

VaRay vati zvakakosha kuti vanhu vose vabatsire kuvaka Zimbabwe kusanganisirawo vari kune dzimwe nyika

XS
SM
MD
LG