Accessibility links

Breaking News

Amai Susan Tsvangirai Vanoremekedzwa Mu Washington


Vana Va Mai na baba Tsvangirai, Garikai, Edwin na Vimbai, vamwe veavo vakapinda musangano uyu mu Washington DC. Masangano akazvimirira anosanganisira re National Democratic Institute akati Mai Tsvangirai vanofanira kuramba vachitonderwa

Amai Susan Nyaradzo Tsvangirai, avo vakashaya gore rapera munjodzi yemotokari, vakaremekedzwa nezuro madeko mu Washington DC umo sangano ravakaumba vasati vashaya, re Susan Nyaradzo Tsvangirai Foundation, rakaparurwa rikapihwa rubatsiro rwemari isina kudomwa nevanhu vemu America vari kutsigira sangano iri.

Vana Va Mai na baba Tsvangirai, Garikai, Edwin na Vimbai, vamwe veavo vakapinda musangano uyu mu Washington DC. Masangano akazvimirira anosanganisira re National Democratic Institute akati Mai Tsvangirai vanofanira kuramba vachitonderwa.

Mugwaro rekukoka vanhu kuti vabatsire Susan Nyaradzo Tsvangirai Foundation, NDI inoti Amai Tsvangirai vaiva munhu airwira kodzero dzevanhu uye akamira nemurume wake munguwa yekushungurudzwa kwemakore akawanda vachitsvaga kuti Zimbabwe ive nehutongi hwejekerere.

NDI inoti Amai Tsvangirai vakaumba foundation yavo apo murume wavo akafunga kupinda muhurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai vanoti chido chavo nemhuri yavo kuenderera mberi nebasa raiva pamoyo pemudzimai wavo.

XS
SM
MD
LG