Accessibility links

Breaking News

Amai Nzenza Vanoti Havana Kupihwa Mari yeChiokomuhomwe naAmai Mupfumira


Amai Sekesai Nzenza
Amai Sekesai Nzenza

Gurukota rinoona nezvevashandi Amai Sekai Nzenza varamba nyaya yekuti vakapihwa mari yechiokomuhomwe negurukota rezvekushanyirwa kwenyika Amai Prisca Mupfumira avo vari kupomerwa mhosva dzehuori.

Izvi zvinotevera kunonoka kuburitsa gwaro rehuori hunonzi hwakaitika kuNational Social Security Authority kana kuti NSSA kwakaitwa nebazi rinotungamirwa naAmai Nznenza. Kunonoka kuburitsa gwaro iri kwaunza mutauro munyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, sachigaro webhodhi reNational Social Security Authority VaCuthbert Chidoori vatiwo gwaro reongororo yakaitwa kuNSSA richabuditswa munguva pfupi iri kutevera

Pambenge paitawo ropa rakaipa pakati pedare reparamande naAmai Nzenza avo vange vachitsika madziro kuti gwaro iri riburitswe sezvo vaiti magweta avo achiri kuripenengura uye vanoda nguva.

Vane ruzivo nezviri kuitika kuNSSA vanoti gwaro iri rinobuditsa pachena kusafambiswa zvakanaka kwemari dzeNSSA.

Zvichakadaro, munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti sangano ravo harisi kufara nekunonoka kuri kuitwa kuburitswa kwegwaro reongororo yakaitwa kuNSSA vachiti vave kutoronga zvekukwidza Amai Nzenza kumatare.

Zvichakadai, sachigaro weZACC, Amai Loice Matanda Moyo varamba mashoko ari kutenderera pasocial media ekuti vaimbove gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vasungwa nekomisheni yavo.

Amai Moyo varamba kutaura zvakawanda nezvekuferefetwa kunonzi kuri kuitwa VaMpofu vachiti kana izvi zviri kuitika hazvisi zvinhu zvingataurwe kuvatori venhau.

Vane ruzivo nezviri kuitika kuZacc vanoti VaMpofu vari kuferefetwa nekomisheni iyi nenyaya dzine chekuita nemangoda ekwaChiyadzwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG