Accessibility links

Breaking News

Amai Mutinhiri, VaChidziva, VaJapajapa neVamwe veMDC Vanoti Vari Kutyisidzirwa neVasori


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Amai Tracy Mutinhiri nedzimwe nhengo dzebato rinopikisa dzemdc dzinoti dziri kutyisidzirwa zvikuru nevanofungidzirwa kuti vasori asi vachiti mapurisa haana zvaari kuita kuyedza kusunga vari kupomerwa mhosva yekuita izvi.

Vanoti vanofungidzira kuti vanhu vaivatsvaga pambozhanhare ava vakazouya kupurazi kwavo kuMarondera husiku uko vakaridzirwa pfuti nevanovachengetedza nemusi weChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yekutyisidzirwa kwevanopikisa yakatsviriridzawo mukomiti yesenate yemuAmerica nemusi weChina apo America yakati kana vakuru vehurumende vachida kubvisirwa zvirango vanofanira kuona kuti vanopikisa hurumende havasi kutyisidzirwa.

Nhengo dzeMDC dzinosanganisa sachigaro wevechidiki VaHappymore Chidziva, VaPaddington Japajapa vakapa humbowo kukomisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu nemauto muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu vanoti vari kutyira hupenyu hwavo.

Mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vanogarawo vachinyunyuta kuti vasori ava vanoswera vachivatevera kwose kwavanoenda.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Ncube kana mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG