Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Voyambira Vanoroora Kana Kuroodza Vanasikana Vasati Vabva Zera


Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vari kuyambira vanhurume vanoroora vanasikana vadiki.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vari kuyambira vanhurume vanoroora vanasikana vadiki.

Mudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vashoropodza zvikuru varume vanoroora vanasikana vasati vabva zera pamwechete nemhuri dzinoroodza vana vakadai, vachiti nyaya dzakadai dziri kukwira zvakanyanya munyika uye vayambira vari kuita izvi kuti vari kuzvisikira moto muziso.

Vachitaura pamusangano wavaita nemadzimai pamwe neshirikadzi muMasvingo, Amai Mnangagwa vati varume pamwe nemhuri dziri kutyora kodzero dzevanasikana vachiroora nekuvaroodza nguva isati yakwana vanofanira kurangwa zvakaomarara kuitira kuti dambudziko iri ripere.

Izvi zvatsigirwa nemadzimai ange ari pamusangano uyu, vamwe vavo vachiti vanotyora mutemo nekutyora kodzero dzevana ngavatongerwe rufu kana zvichibvira.

Amai Mnangagwa vati vanhu vanoroora kana kuroodza vana vadiki vari kuva torera hupenyu hwavo uye vanoisa vana ava parumananzombe rwerufu kana vachinge vavapa nhumbu.

Amai Mnangagwa vanoti nyaya dzekuroorwa kwevana vasati vabvazera munyika yose dziri kukwira zvakanyanya, dunhu reMashonaland Central richinzi ndiro riri pamusoro, dunhu reMasvingo riri pachinhanho cheChina.

Vamwe vevana ava vanonzi vari kuguma vatapurirwa zvirwere zvepabonde zvakaita seHIV/AIDS.

Amai Florence Chiwera, vemumusha weMucheke, naAmai Enia Gwara vatiwo vane muonero mumwe chete vachitsigira Amai Mnangagwa pakuomesera vanotyora kodzero dzevanasikana.

Vanorwira kodzero dzevechidiki vanoti kuroorwa kwevanasikana vasati vabvazera munyika kuri kukwirawo nekuti vanhu vari kuomerwa nehupenyu munyika uye vamwe vanotevedzera zvezvitendero zvakaita sezvimwe zvita zvechipositori netsika dzechinyakare.

Murwiri wekodzero dzevechidiki muMasvingo, VaThomas Mbetu, vatenda kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi kwapa kuti zvinhu zviipire vanasikana.

Amai Mnangagwa vati vachasvitsa zvichemo zvamadzimai aya kuhurumende kuti mutemo uvandudzwe nedare reparamende kuitira kuomesera vanoroodza vana vasati vabva zera.

Bumbiro remutemo rinoti mwana anofanira kuroorwa asvitsa makore gumi nemasere ekuberekwa.

Vachitaurawo pamusangano mumwechetewo, gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vakurudzira varume mudunhu remaMasvingo kuti vakoshese kodzero dzevanasikana nemadzimai.

Sangano revana pasi rose reUNICEF rinoti zvikamu makumi matatu kubva muzana zvevanasikana vane makore ari pasi pegumi nemasere munyika zviri kuroorwa zvisati zvabva zera.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG