Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Vanoti VanaMukoti Vanopa Kuti Madzimai Afe Pakusungunuka neKushaya Hanya Vasungwe


VaMnangagwa naAmai Auxilia Mnangagwa
VaMnangagwa naAmai Auxilia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa varikukurudzira gurugota rezvehutano kuti pave nemutemo unobata mhosva kunevanokonzeresa rufu kumadzimai anenge aripanguva yekusununguka vana vavo muzvipatara.

Vachitaura pavaiparura vhiki reWorld Breastfeeding Week varikuMahusekwa District Hospital kuMashonaland East nomusi wechishanu, Amai Mnangagwa vakataura kuti kuzvara kwemwana ibasa guru renyika nokudaro hapana anofanirwa kushaika pakusununga.

Vakaenderera mberi vachiti madzimai arikufa chisununguka akawandisa nemhosva yekusabatwa zvakanaka nevashandi vemuzvipatara.

Vakaenderera mberi vachiti kunevashandi vanosarudza kunonwa tsvutugadzike vachisiya madzimai achirwadziwa pasina anovabatsira zvinozokonzera kuti vazhinji vacho vazoshaya.

Amai Mnangagwa vakakurudzira madzimai kuti vanokusha mashoko kunharaunda dzavo kuti madzimai vayamise vana vavo uye kuti vanasikana vasarasa vana vavanenge vasununguka.

Amai Mnangagwa vakataura kuti mukaka wamai haunetse nokuti unogara uripo zvokuti vanofanira kuwana mukana wokuyamwisa vana vavo nguva dzose.

Mudzimai wemutungamiri wenyika vakaendera mberi vachikurudzira kuti vana baba vasashungurudzawo vanamai vanoyamisa kuitira kuti mwana a akure zvakanaka.

Mumwe mukuru mumubazi rezvehutano Dr Benard Madzima vakatsangura donzvo rekucherechedza World Breastfeeding Week sokutarwa kwazvakaitwa nesangano reWorld Health Organisation, WHO, kuti mazimai ayamwise vana pasina kuvapa chimwe chikafu kwemwedzi mitanhatu.

Chiremba ava vakaenderera mberi vachiti mwana asingayamiswe anokwanisa kuita chirwere Kwashiorkor uye mwana iyeye haakure zvakanaka mupfungwa.

Mhemberero yeWorld Breast Feeding Week inocherechedzwa muvhiki yokutanga yaNyamavhuvhu asi nyika yeZimbabwe yakanonoka kuita mhemberero iyi.

Mamwe mapato akauya kuzocheredza World Breastfeeding Week anosanganisa vamiriri ve World Health Organisation, Unicef, avo vakatsinhira mashoko Amai Mnangagwa okuti madzimai ayamwise vana vavo kusvikira vave nemakore maviri.

Gurukota rinomirira dunhu Mashonaland East, Amai Apolloniah Munzverengi, nenhengo dzeCentral Committee yebato rezvematongerwo enyika reZanuPF nhatu, vanoti Dr Sydney Sekeramayi, Dr David Parirenyatwa naDr Mike Bimba vamwe vevanhu vakauyawo kuzocherechedza kuparurwa kweWorld Breastfeeding Week kuMahusekwa.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG