Accessibility links

Breaking News

Amai Mathuthu Voradzikwa kuMarinda eHeroes Acre


Zimbabwe Heroes Acre, Harare.
Zimbabwe Heroes Acre, Harare.

Vakaitwa gamba renyika, Amai Thokozile Angela Mathuthu, varadzikwa nhasi pamarinda anovigwa magamba enyika paNational Heroes Acre mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti bato ravo ravo riri kufara zvikuru nekuva nenhengo dzakawanda muparamende.

Vachitaura pakuradzikwa kwaAmai Mathuthu pamarinda anovigwa magamba enyika nhasi, VaMnangagwa vatsanangura mushakabvu semunhu akashanda zvikuru kuti madzimai asimudzirrwe munyika.

VaMnangagwa vatiwo vari kufara zvikuru sebato kuti vakawana nhengo dzeparamende dzakawanda musarudzo dzakaitwa musi wa30 Chikunguru.

Asi VaMnangagwa havana kutaura nezvekukwikwidzwa kumatare kwezvakabuda musarudzo yemutungamira wenyika kwakaitwa nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa. Kunyange hazvo Zanu PF yakakunda zvine mutsindo musarudzo, MDC Alliance iri kukwikwidza zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika pamwe nedzimwe nzvimbo makumi maviri uko kwakakunda Zanu PF musarudzo dzeparamende.

Nhengo yePolitburo yeZanu PF, VaPaul Magwana, vatsanangurawo Amai Mathuthu semunhu akashandira nyika pamwe nebato ravo zvakakomba.

Izvi zvatsinirwa nevaimbova mumiriri weKuwadzana muparamende, Amai Betty Kaseke.

Amai Kaseke vati madzimai anofanira kushandira nyika zvakasimba sezvavanoti zvakaitwa naAmai Mathuthu kuti vagozopihwawo ruremekedzo rwekuvigwa pamarinda eHeroes Acre sezvaitwa Amai Mathuthu. Parizvino vanhu vakawanda vakavigwa pamarinda enaovigwa magamba enyika vanhurume.

Amai Mathuthu, avo vakaberekwa musi wa26 Kukadzi 1957, vaive nhengo yeZapu pakawana nyika kuzvitonga kuzere. Zapu neZanu PF zvabatana, mushakabvu akabata zvigaro zvakawanda muZanu PF muboka remadzimai uye akazogadzwa kuva gavhuna wedunhu reMatabeleland North kubva muna 2005 kusvika muna 2013.

Muna 2012 vakaitwa sachigaro weZanu PF mudunhu reMatabeleland North uye muna 2015 ndivo vakange vari mutevedzeri wasachigaro wePan African Parliament.

Muna 2016 vakazoitwa mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko. Kusvika pavakazoshanya musi weMuvhuro, Amai Mathuthu vange vari mutevedzeri wemunyori muboka remadzimai mubato reZanu PF.

Mushakabvu asiya murume, VaJonathan Mathuthu, nevana vana, vakomana vaviri nevasikana vaviri.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG