Accessibility links

Breaking News

Amai Marry Mubayiwa Vorapwa naVachiremba vekuJeri reChikurubi


Chikurubi Maximum Security
Chikurubi Maximum Security

Rimwe gweta riri kumiririra Muzvare Marry Mubayiwa, mudzimai wemumwe mutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanonzi vave kurapwa navanachiremba vekujeri reChikurubi uko vakachengetedzwa vakamirira kupihwa mukana wekuti vangakwanise kubvisa here mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Gweta raMuzvare Mubaiwa, VaTaona Nyamakura vanoti chido chavo chaive chekuti vatongwe vachibva kumba kuti vakwanise kuonekwa navanachiremba.

Amai Mubayiwa vari kupomerwa mhisva dzine chitsama dzinosanganisira kuda kuuraya murume wavo, kuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo uye kufojera muchato.

Asi vari kuramba mhosva idzi vachiti ndedzemugotsi matsuro. Mumapepa avakatura kudare Muzvare Mubaiwa vanoti vakakuvara pakakandwa bhambo kunhandare yeBarboufields Stadium muna 2018.

Hurukuro naVaTaona Nyamakura
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG