Accessibility links

Breaking News

Amai Marry Mubaiwa Voramba Vari muHusungwa


Amai Marry Chiwenga pakati vachipinda mudare ramejastiriti
Amai Marry Chiwenga pakati vachipinda mudare ramejastiriti

Dare repamusoro nhasi ranzwa chikumbiro chemudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstanitno Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa, chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo pamhosva dzavari kupomerwa dzekuda kuuraya murume wavo, kubuditsa mazakwatira emari yekunze kwenyika zvisiri pamutemo pamwe nekufojera mapepa emuchato.

Mutongi wedare, VaPisirai Kwenda, vati vachatura mutongo wavo muzuva ravasina kutara vachiti vachaedza napose pavanogona napo kuti vakurumidze kutura mutongo wavo spakatariswa zvasvitswa kudare nhasi. Mashoko aya atsnhirwa nerimwe gweta raAmai Marry Mubayiwa VaTaona Nyamakura

Vachisvisvitsa chikumbiro chekuti Muzvare Mubaiwa, vatongwe vachibva kumba panyaya yekunzi vaida kuuraya VaChiwenga vari muhurwere kuSouth Africa muna Chikumi, VaNyamakura vati mapepa evachuchusi ekupomera Muzvare Mubaiwa mhosva haana humbowo hwakati tsvikiti hwaari kuburitsa.

VaNyamakura vati pakatariswa zviri mumapepa aya, mukana wekuti Muzvare Mubaiwa vagobatwa nemhosva pachatongwa nyaya iyi mushoma zvikuru. Vati hapana humbowo hwakataurwa nehurumende hunoratidza zvinonzi musungwa akaita aine chinangwa chekuuraya VaChiwenga.

Gweta iri raburitsawo mudare mifananidzo yekukuvara kwakaita Muzvare Mubaiwa pakaputika bhambo kuWhite City Stadium pamusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatsigiri vavo vakati hazvikodzere kuti Muzvare Mubaiwa varambe vari mujeri sezvo hutano hwavo husingaite kuti varambe vari muhusungwa.

Izvi zvatsigirwawo netsamba kana kuti affidavit radhokotera akaongorora Muzvare Mubaiwa vari muhusungwa iro rakasvitswa kudare nemagweta avo.

VaNyamakura vati nekukuvara kwavakaita, Muzvare Mubaiwa havanganzi vakakwanisa kusimudza munhu mukuru ane muviri unenge waVaChiwenga.

Asi mumwe wevachuchisi eenyaya iyi, VaLovert Masuku, vati hurumende ine humbowo hwakanyanya hunoratidza kuti musungwa akapara mhosva uye anogona kutiza ozotadza kutongwa.

VaMasuku vati hurumende haisi kuda kutaura zvakawanda panyaya yehumbowo hwainahwo hwavati hunosungirira musungwa vachiti kuita izvi kunogona kukonzera kuti musungwa asamiriire kutongwa kwemhosva yake.

Vaenderera mberi vachiti Muzvare Mubaiwa munhu ane pfuma kuSouth Africa kwaanogona kutizira uye izvi zvinogona kuita zvakare kuti vasamirire kutongwa kwenyaya dzavo kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Asi VaNyamakura vati hurumende yeZimbabwe neye South Africa dzakanyorerana chibvumirano chekuti munhu anenge achidiwa mumatare neimwe yenyika mbiri idzi nyika ine munhu anenge achidiwa kudare mune imwe inosungirwa kuunza munhu iyeye kunyika yaanenge achifanira kunotongwa, kana kuti extradition treaty, vachiti chikonzero chehurumende ichi hachisi chikonzero chakati tsvikiti.

Vachitsigirawo chikumbiro ichi, rimwe remagweta aMuzvare Mubaiwa, Advocate Sylvester Hashiti, varamba mashoko erimwe remagweta ehurumende panyaya iyi, Amai Sharon Fero, ekuti Muzvare Mubaiwa vanogona kuvhiringidza vakafakazi pamhosva yavari kupomerwa yekubuditsa mari yekunze kunze kwenyika zvisiri pamutemo pamwe nekufojera mapepa ekuti vachatiswe nemurume wavo uye ainge ari muchipatara.

Amai Fero vatiwo Muzvare Mubaiwa vanogona kusamirira kutongwa kwemhosva dzavari kupomerwa pakatariswa kureba kwemutongo yavakatarisana nayo kana vakabatwa nemhosva.

VaHashiti vati hazvikwanisike kuti Muzvare Mubaiwa vavhingiridzane nevafakazi vane nyembe dzinotyisa vakafana naVaChiwenga avo vaimbova mukuru wemauto uye vavati vakakwanisa kunzvenga bhambu kuBulawayo kana, mukuru wevatongi vematare epamusoro munyika VaGeorge Chiweshe, munyori muJudicial Services Commission, VaWalter Chikwanha pamwe nemukuru wemamejasitiriti munyika VaMunamato Mutevedzi.

Vatiwo bumbiro remitemo yenyika rinochengetedzawo musungwa pamhosva dzaari kupomerwa.

Baba VaMuzvare Mubaiwa, VaKenny Mubaiwa vapawo mapepa emba yavo yekuHatfield kudare senzira yekuratidza kuti mwana wavo achazomirira kutongwa kwemhosva dzaari kupomerwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG