Accessibility links

Breaking News

Amai Kamala Harris Votoreswa Mhiko naAmai Sonia Sotomayor


Vakasarudzwa nemutungamiri wenyika VaKamala Harris
Vakasarudzwa nemutungamiri wenyika VaKamala Harris

Vakasarudzwa kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris vari kutarisirwa kutorwswa mhiko nemusi wechitatu nemutongi wedare repamusoro soro reSupreme Court Amai Sonia Sotomayor.

Amai Harris ndivo mudzimai uye mutema wekutanga kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye Amai Sotomayor vari mudzimai wekutanga wechiLatina kuve mutongi wedare repamusoro soro iri.

Amai Harris vanonzi ndivo vakadoma Amai Sotomayor kuti vavatorese mhiko. Vari kutarisirwa kushandisa mabhaibheri maviri pakutora mhiko rimwe racho rakashandiswa namushakabvu uye vaive mutongi wedare repamusoro soro iri vari mutema wekutanga VaThurgood Marshall.

Amai Harris saVaMarshall, vakadzidza pachikoro cheHoward University. Aka ndekechipiri Amai Sotomayor vachitoresa mhiko mutevedzeri wemutungamiri wenyika sezvo vakambotoresa zvakare VaJoe Biden muna 2013 apo vaive mutevedzeri waVaBarack Obama.

VaBiden semutungamiri wenyika vanotoreswa mhiko nemunyori mukuru wedare reSupreme Court VaJohn Roberts.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG