Accessibility links

Breaking News

Amai Chigumba Voramba Kuti Kunonoka kweKomisheni Yavo Kwakazoguma Kwaurayisa Vanhu muHarare neMauto


Amai Priscilla Chigumba
Amai Priscilla Chigumba

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission inoti nhengo dzeparamende dzinofanira kuona kuti mitemo ine chekuita nezvesarudzo yachinjwa kwete kuti mapato ezvematongerwo enyika aswere achiipomera mhosva yekusafambisa basa zvakanaka.

Izvi zvakataurwa paipihwa humbowo nasachigaro wekomisheni iyi kukomisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iongorore mhirizhonga yakaitika muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu.

Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vaudza komisheni iri kuongorora zvakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu pakupfurwa kwevanhu vakawanda, vatanhatu vakafa, kuti komisheni yavo yakafambisa basa rayo zvakanaka kunyange hazvo pakazoita mhirizhonga vachiri pakati pekuverenga mavhoti.

Amai Chigumba vakurudzira nhengo dzeparamende kuti dzishandure mitemo muparamende vachiti kuti vemapato ezvematongerwo enyika vaswere vachinetsana nekomisheni yavo kupedzera matombo kuzvidhiidhii idzo njiva dzichauya.

Mashoko aAmai Chigumba aya anotevera kuratidzira kwakaitwa neMDC Alliance pesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru ichiti ZEC yaisafambisa zvakanaka kunyange hazvo Amai Chgumba vati zvose zvavaiita vaiita vachitevedzera mutemo.

Vakaenderera mberi vachiti sekomisheni havana chavakakanganisa pakuziviswa kwezvakabuda musarudzo kunyange hazvo vakaratidzira musi wa1 Nyamavhuvhu vaigunun’una kuti ZEC yakanga yanonoka kuzivisa izvi.

Vakati mazuva mashanu akatarwa nemutemo akange asatai akwana pakaratidzirwa nevaratidziri ava.

Vakarambawo mashoko akataurwa nevamwe vakapa hufakazi kukomisheni iyi ekuti komisheni yavo yakanonoka kubuditsa zvakange zvabuda musarudzo mune dzimwe nzvimbo dzaive pedyo nemahofisi avo dziri muHarare vachibuditsa zvakange zvabva kune dzimwe nzvimbo dziri kure neHarare izvo zvainzi nevamwe zvaipa mukana wekuti sarudzo dzibirirwe.

Amai Chiugumba vati zvavakaburitsa ndezvechokwadi kunyange hazvo MDC ichiti sarudzo idzi dzakabirirwa.

Mukuru wemapurisa ari kuferefeta mhirizhonga iyi pamwe nekufa kwakaita vanhu VaEdmore Runganga vakaudzawo komisheni iyi kuti mapurisa haasati ave nevanhu vaari kufungidzira kuti ndivo vakapfura vanhu vakafa kunyange hazvo vati vakasunga nhengo dzeMDC makumi mana nemumwe chete maererano nemhirizhonga yemusi uyu.

Vakatiwo havazivi kuti ndiyani chaizvo akapfura vanhu kunyange hazvo komisheni iyi ichiti ine mavhidhiyo anoratidza kuti masoja ndiwo airidza pfuti.

Mumwe akataura achipa huchapupu pakomisheni iyi ndiVaGabriel Chaibva vainge vari nhengo yeMDC vasati vaenda kuZanu-PF avo vakaroverera vechidiki veMDC mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Asi vamwe vainyora pamadandemutande akaita seFacebook neTwitter vakavashota vachiti huchapupu hwavo hwainge huchiratidza kutsigira Zanu-PF chete.

Zvichakadai, mukuru wemasoja VaPhillip Valerio Sibanda vakaudza komisheni iyi nemusi weMuvhuro kuti masoja akazopinda mumigwagwa obatsira mapurisa kupedza kuratidzira kwaiitwa uku vanhu ava vatopfurwa kare vachiti masoja aya haanei nechekuita nekupfurwa kwakaitwa vanhu.

Imwe nhengo yekomisheni iyi, VaLovemore Madhuku, vanoti komisheni yavo ichagara pasi yoona kuti zvakakodzera here kana kuti kwete kuti ishevedze mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa kuti vazopa humbowo kukomisheni.

Izvi zvinotevera mashoko akabuda nemusi weMuvhuro ekuti VaMnangagwa ndivo vakapa masoja mvumo yekupinda mumigwagwa musi uyu pamwe nekuti mashoko akataurwa naVaChamisa ekuti vaisazotambira zvainge zvabuda musarudzo kana ZEC isina kuzivisa kuti ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru ndiwo anonzi akakonzera kuti pave nemhirizhonga musi wa1 Nyamavhuvhu.

Komisheni iyi yati ichaenderera mberi musi wa21 Mbudzi nekunzwa humwe hufakazi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG