Accessibility links

Breaking News

Amai Makone Vochema Vachiti Mapurisa Haasi Kuvateerera


Rimwe remakurukota ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vanoti hurukuro dzavakamboita nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemapurisa, hadzina kana kumbobatsira sezvo mapurisa achiri kuenderera mberi achityora kodzero dzevanhu.

Mumashoko avaburisa neChishanu, Amai Makone vanoti munzvimbo zhinji maberekera ingwe sezvo mapurisa ari kurova kurova vanhu pasina mhosva dzavapara. Nzvimbo idzi dzinosanganisira Nkayi kuMatabeleland North, Harare, uye kuManicaland uko vanhu vanoshanda mumapurazi anorima miti vari kurohwa nemasoja vachinzi vakavhotera MDC musarudzo dzakaita muna 2000.

Mashoko aya anotevera kurohwa uye kusungwa nemapurisa kwevanhu vanotengesa mumigwagwa muHarare uye kusungwawo kwevatsigiri veMDC-T vaitengesa zvinhu muchitoro chepamuzinda webato ravo.

Bato iri rinoti mumwe mutsigiri waro, VaBarnabas Mwanaka, vakarohwa vakatyoka gumbo. VaMwanaka vanonzi vari kurapwa muchipatara chemuHarare.

Amai Makone vanoti mapurisa anofanirwa kusiyana netsika yekutyora kodzero dzevanhu. Vanoti zvakare kunyange hazvo vasina masimba ekawanda mubazi ravo, vachaenderera mberi vachirwira kuti mapurisa asiyane nekurova vanhu zvisina tsarukano.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zvinhu zvinoshamisa kuti munhu akaita sa Amai Makone, atadze kunge achiudza mapurisa zvaanofanirwa kuitwa ivo vari mukuru wemapurisa.

Nyanzvi idzi dzinotiwo izvi zvinoratidza pachena kuti MDC-T neMDC-N hadzina masimba muhurumende iripo, nokudaro mapato aya haafanire kunyepera vatsigiri vawo kuti hurumende yemubatanidzwa iri kushanda zvaknaka.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muMDC-T, VaAbednico Bhebhe, vanoti kuNkayi kuri kurohwa vanhu nemauto.

Zvichakadaro, bato reMDC-T rakurudzira kuti vakuru vose vemauto nemapurisa avo vane matemu avo akapera, vasiye basa vachiita zvematongerwo enyika izvo vari kuita vari pamabasa avo zviri kunze kwemutemo.

Nguva yekunge mukuru wemapurisa, Police Commissioner General Augustine Chihuri, yakapera muna Nyamavhuvhu. Ukuwo nguva yemukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, yaifanira kupera muna Zvita pamwe neyeoto rinotungamira Zimbabwe Defence Forces, VaValerio Sibanda.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vari sachigaro vesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva rinobva muvanhu, Professor Lovemore Madhuku, vanoti zviri kuitwa nehurumende yemubatanidzwa hazvisi pamutemo. VaMadhuku vanoti anhu vanofanira kuenda kumatare kuti vanhu vari kushanda zvisiri pamutemo vasarambe vari pamabasa aya.

Gweta guru renyika, VaJohannes Tomana, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Asi munyori anoona nezvekudzivirira kwenyika muMDC-T, VaGiles Mutseyekwa, vanoti vakuru vose vemauto nemapurisa ngavasiye basa vapinde munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo vagara havo vachiita izvozvi.

Asi mashoko aya arambwa nenhengo yeZanu-PF uye vari mukomiti yezvekudzivirirwa kwenyika muparamende, VaCairo Mhandu, avo vanoti VaMugabe chete ndivo vanokwanisa kudoma vakuru ava.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti VaMugabe vanofanira kuvandudza mauto.

XS
SM
MD
LG