Accessibility links

Breaking News

Bepanhau Idzva reNewsday reNzwisa Romhanyirwa muHarare


Kambani yeAlpha Media neChishanu yaisa bepanhau rayo reNewsday renzwisa mumigwagwa, senzira yekushambadzira kutanga kutengeswa kwebepanhau iri neMuvhuro.

Vanhu vanga vachipihwa mahara bepanhau iri. Kambani yeAlpha Media yakapihwa rezenisi rekudhinda bepanhau iri mwedzi wapera neZimbabwe Media Commission. Komisheni iyi yakapa mapepanhau mashanu rezenisi rekuti adhindwe

Kambani yeAlpha Media ndiyo inoburitsa mapepanhau eZimbabwe Independent neZimbabwe Standard, uye muridzi wayo mukuru ndimuzvinabhizinesi munyaya dzemapepanhau, VaTrevor Ncube..

Apo vashandi vekambani yeAlpha Media vanga vachishambadzira bepanhau iri, mapurisa anonzi ambochengetedza vamwe vashandi vashanu kwamaawa matatu vachida kutanga vaona rezenisi rebepanhau iri.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa kuAlpha Media, VaRaphael Khumalo, vati vashandi vavo vazoregedzwa mushure mekuti vabhadhariswa faini yekutyora mutemo une chekuita nekufamba kwedzimotokari mumigwagwa.

Mapurisa anoti zwaitwa nevashandi ava zvanga zvichikanganisa kufamba kwevanhu nedzimotokari mumigwagwa. Vashandi ava vabhadhariswa madhora makumi mana pamunhu.

Advocacy Officer we Misa–Zimbabwe, VaThabani Moyo, vanoti chinhu chinofadza kuti Newsday rava kupinda mumigwagwa kutanga neMuvhuro. Asi VaMoyo vati havana kufara nekusungwa kwaitwa vashandi vanga vachiisa bepanhau ravo munzvimbo dzinotengeserwa mapepanhau..

XS
SM
MD
LG