Accessibility links

Breaking News

Air Zimbabwe Yomisa Nzendo kuSouth Africa neNyaya yeZvikwereti


Air Zimbabwe yombomisa kubhururutsa ndege kune dzimwe nyika nenyaya yezvikwereti

Kambani yeAir Zimbabwe inoti yambomira kuenda kuSouth Africa ichityira kuti ndege dzayo dzingazotorwe nenyaya yezvikwereti.

Imwe ndege yekambani iyi yakambotorwa kwechinguva chakati kuti paOliver Tambo International Airport muSouth Africa nenyaya yekutadza kubhadhara chikwereti kukambani inotakura zvinhu.

Parizvino pane vanhu vari panhandare yeGatwick kuLondon kubva neMuvhuro sezvo kambani yeAmerican General Supplies yakabata ndege yeAir Zimbabwe ichiti kambani iyi iri kutadza kubhadhara chikwereti che$1, 5 million.

Air Zimbabwe inoti yabhadhara imwe mari iri kudiwa. Asi mumwe mukuru wekambani yeAmerican General VaKenneth Conor vanoti havasi kuzorega kubata ndege iyi kusvika mari yechikwereti yabhadharwa yose.

Izvi zvapa kuti vanhu vange vachida kufamba nendege iyi vanopfuura mazana maviri vashaye zvekuita vari kulondon.

Studio 7 yabata mumwe wevanhu ava VaIgnatious Mwariwangu mumwe wevanhu varikutadza kuenda kumusha neAir Zimbabwe nenyaya yematambudziko asangana nekambani iyi.

VaMwariwangu vapika kuti vanhu havasi kuzobva paGatwick Airport kusvika Air Zimbabwe yavapa mari dzavo.

XS
SM
MD
LG