Accessibility links

Air Zimbabwe Yomisa Ndege Dzayo Kuenda kuSouth Africa neLondon

  • Violet Gonda

Air Zimbabwe inoti yambomisa ndege dzayo kuenda kuLondon neSouth Africa. Asi kambani iyi inoti mapapiro ayo acharamba achimbururuka kuenda ku China, Zambia ne Democratic Republic of Congo.

Zvekumisa nzendo dzeku South Africa ne London zvinoitika mushure mekunge imwe ndege yeAir Zimbabwe yabatwa kuLondon mwedzi wapfuura nepamusana pechikwereti chinosvika miriyoni nechidimbu chemadhora icho yaitadza kubhadhara kambani ye American General Supplies, iyo inotengesera Air Zimbabwe zvinhu zvekugadzirisa zvinhu zvendege zvinenge zvasakara.

Sachigaro vebhodhi re Air Zimbabwe, Va Jonathan Kadzura, vanoti kambani yavo haichakwanisa kuenda kuLondon vachiti hurumende yemubatanidzwa haisi kuda kuvabatsira nemari inodiwa kuti zvinhu zvifambe zvakanaka mukambani iyi.

Vanoziva zviri kuitika vanoti Air Zimbabwe iri kutya zvikwereti zvainazvo muLondon neku South Africa, izvo zviri kupa kuti isaendese ndege dzayo kunyika idzi.

Zvinonzi Air Zimbabwe iri kutaurirana nekambani yeku South Africa yeBid Air Services pamusoro pechikwereti chainayo chinosvika mazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Air Zimbabwe ine zvikwereti zvinosvika zana nemakumi mana emamiriyoni emadhora. Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kambani iyi iri kurasikirwa nemamiriyoni maviri emadhora pamwedzi wega wega.

XS
SM
MD
LG