Accessibility links

Breaking News

Aimbova Murairidzi weHighlanders Barry Daka Anoshaya


Barry Daka

Aimbova mutambi uye murairidzi wechikwata cheHighlanders VaBarry Daka avo vange vave nemakore makumi manomwe nerimwe vashaya musure mekurwara kwenguva pfupi.

Mwanasikana wavo, Lorraine audza Studio 7 kuti baba vake vashaya mangwanano anhasi kumba kwavo kuBarbourfields.

Ati vakatanga kurwara nemusi weSvondo apo vaibva kune mumwe matambo kunhandare yeBarbourfields uye anofungidzira kuti vakarwara nechirwere chekuoma mutezo.

Chikwata cheHighlangers chatumira mashoko padandemutande racho reTwitter chichiti chakatyamadzwa zvikuru nerufu urwu chikati chiri kuchema nemhuri yake nevamwe vose vari munhau dzemitambo.

Chikwata ichi chinoti VaDaka vakatanga kurairidza chikwata ichi muna 1986 vakakwanisa kusiumudza mikombe yakawanda kusanganisira Independence Cup, Chibuku Trophy, Rothmans Shield neNetBrew Cup.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaVaDaka hausari hwaziviwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG