Chipangamazano munyaya dzezvehutano mubazi reAfrica Centers for Disease Control and Prevention, Dr Nicaise Ndembi, vanoti African Union yakwanisa kuwana nhomba yeCivod-19 inosvika mamiriyoni mazana matatu kana kuti 300 million ichashandiswa mukudzivira kupararira kwechirwere ichi.
Mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.
Vanhu vafa vasvika zvuru makumi manomwe nezvina nemazana mana nemakumi mana nevana kana kuti, 74, 444.
Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave mamiriyoni maviri nezvuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million.
Zvichakadaro, America iyo ine vanhu vakawanda vafa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose, yave kusimbisa chirongwa chekubaya vanhu nhomba kusanganisirawo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.
Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti muAmerica mune vanhu mamiriyoni makumi maviri nemaviri nemazana masere ezviuru, kana kuti 22,8 million vabatwa nechirwere ichi uye vafa vadarika mazana matatu nemakumi masere ezviuru nemazana masere kana kuti 380, 800.
Bazi rinoona nezvezvirwere muAmerica reCenters for Disease Control and Preventation, kana kuti CDC, rakatumira nhomba dzinodarika mamiriyoni makumi maviri nemashanu kumatunhu akasiyana siyana enyika.
Vakasarudzwa kutungamira nyika vachitora mhiko musi wa 25 Ndira, VaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vakatobayiwa nhomba paruzhinji.
Vakambove vatungamiri veAmerica, VaGorge Bush, VaBarack Obama naVaBill Clinton, vanoti vari kudawo kubayiwa nhomba iyi veruzhinji vachiona.
Pari zvino nhomba iri kubayiwa vanachiremba nevakoti, mauto, vane makore anodarika makumi matanhatu nemashanu, uye vamwe vane zvirwere zvakaita seshuga, moyo uye vane muviri yakati kurei pane zvinokurudzirwa navanachiremba avo vari munjodzi yakakura yekufa nechirwere ichi.
Mumwe akaita rombo rakanaka rekubayiwa nhomba iyi muAmerica, ndiVaZvidzai Ruzvidzo, avo vanogara kuOhio.
VaRuzvidzo vanoti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba iyi kuti vachengetedze hutano hwavo.
Facebook Forum