Accessibility links

African Union Yokurudzirwa Kuti Itonge Vakuru veZimbabweVanotyora Kodzero dzeVanhu

  • Blessing Zulu

Sangano reHuman Rights Institute of Southern Africa rakurudzira musangano weAfrican Commission on Human and People’s Rights, kana kuti ACHPR kuti riongorore nyaya yekutochwa nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe nemuSwaziland.

Sangano reACPHR rakatanga musangano waro kuBanjul, Gambia neChina uye Zimbabwe iri kumirirwa nenhengo dzesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Human Rights Institute of Southern Africa inoti African Commission inofanirwa kutumira nhumwa kuZimbabwe kuzoongorora nyaya yekutochwa kwevanhu.

Sangano iri rashorawo zvikuru mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, namambo Mswati wekuSwaziland nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu kwavanoita.

Ratiwo nyaya yekusatevedzera mutemo yapa kuti vanhu vatadze kuenda kumatare kuti vaone mitongo yakafanira. Mauto, mapurisa, vasori nevatsigiri veZANU-PF ndivo vanopomerwa nyaya yekutocha vanhu vasingatsigire ZANU-PF.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti zvakakosha kuti vanotyora kodzero dzevanhu vatongwe.

Zvichakadaro, mugwaro rabutitswa nesangano reZimbabwe Peace Project, nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu inonzi iri kutoramba ichienderera mberi.

Sangano iri rati nyaya yeZANU-PF yekuti vanhu vasaine patsamba yayo yenyunyuto ndiyo iri kuita kuti vanhu vatyorerwe kodzero dzavo nevatsigiri veZanu-PF.

ZPP inotiwo nyaya yekuti pangangoitwe sarudzo chero nguva ndeimwe yava kupa kuti nyika iite seyakaberekera ingwe.

XS
SM
MD
LG