Sangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica reAfrican Union gore rapera rakatara nhasi sezuva rekuti nyika dzose dziri mugungano iri dzicherechedza hurongwa hwekurwisa huori kana kuti Anti-Corruption Day.
Nyaya yehoori muAfrica inonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi ndiyo yapa kuti pasave nebudiriro.
Ongoro yakaitwa neAfrican Union muna 2002 yakaratidza kuti Africa inorasikirwa nemari inosvika mabhiriyoni zana nemakumi mashanu gore rega rega.
Sangano rinoona nezvehuori reTransparency International rinoti panyika dzinoonekwa sedzine huori hwakanyanya pasi rino, Somali neSouth Sudan ndidzo dziri pamusoro soro.
Asi panyika dzinobata zvakanaka nyaya dzehuori, New Zealand neDenmark ndidzo dziri nani. MuZimbabwe masangano akazvimirira oga ari kutarisirwa kuita zvirongwa zvakasiyana siyana.
Vanoona nezve kufambiswa kwemabasa muTransparency International Zimbabwe VaTashinga Zamba vanoti vachaita zvirongwa zvakasiyana siyana kucherechedza zuva iri kusanganisa kuenda kumisha yevazhinji nekuitaura padzinhepfenyuro.
Facebook Forum