Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti sangano reAfrican Union harisati raratidza kuti riri kushushikana nematambudziko ari muZimbabwe kuburikidza nekunyarara kwarakaita.
Nyanzvi idzi dzinoti African Union inofanirwa kunge yapindira muZimbabwe kuitira kuti ibatsire kugadzirisa zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.
Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vaimbove mumiririri weSunningdale, Amai Margaret Dongo, vanoti vari kushamisika zvikuru nekuti African Union haina chayati yataura pamusoro pemhirizhonga dri kuitika munyika.
Amai Dongo, avo vakadzingwa muZanu PF zvichitevera kunetsana kwavakaita nehutungamiri hwebato iri, vanoti African Union inofanirwa kuona zvinonetsa nyika dzese muAfrica yotsvaga nzira dzekubatsira nyika dzinenge dziri pamakakatanwa.
Imwe nyanzvi yezvematongerwo enyika inodzidzisa kuBergen University kuSweden, Doctor Vicctor Chimhutu, vanotiwo kumhanya mhanya kwange kuchiitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichitumira nhume kunyika dzekunze kunoratidza kuti hutungamiri hwenyika hwave kuona kuti African Union yave pedyo nekutora matanho pamamiriro akaita zvinhu munyika.
Doctor Chimhutu vanoti ibasa re masangano akaita se SADC neAfrican Union kuti vauye kuzoyananisa vana veZimbabwe, vachitema vasina divi ravakarerekera asi vachibatanidza vezvematongerwo enyika nemasangano akazvimiririra neveruzhinji kuti kusashayikwe vanosara kunze.
VaChimhutu vanotiwo kana hurumende ichinongedzerwa mukutyorwa kwekodzero dzevanhu, masangano emu Africa aya ndiwo anofanirwa kutanga kupindira epasi rese akaita seUnited Nations asati apindira.
Facebook Forum