Accessibility links

Breaking News

African Union Inocherechedza Sangano reNational Transitional Council rekuLibya


Sangano reAfrican Union rakazivisa kuti rava kucherechedza zviri pamutemo boka rava kutonga muLibya, reNational Transitional Council kana kuti NTC.

Mumashoko arakaburitsa neChipiri, sangano iri rakati rakazvipira kutsigira NTC mukuzama kwayo kuumba hurumende yemubatanidzwa.

African Union yakakurudzirawo National Transitional Council kuti idzivirire vashandi vemuAfrica vari muLibya zvichitevera mashoko ekuti vose vane ganda dema vari kushungurudzwa nezvikwata zviri kuronda varwi vakanga vachitsigira vaive mutungamiri wenyika iyi, VaMoammar Gaddafi.

Nigeria ndiyo nyika yekutanga muAfrica kucherechedza NTC. Zvichiteverawo mashoko eA-U aya, South Africa yakabva yazivisawo kuti yava kucherechedza NTC, sezvo iri kubvuma kuumba hurumende yemubatanidzwa.

Mapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa muZimbabwe ati zvichitevera danho ratorwa neAfrican Union iri, Zimbabwe yave kufanirwa kucherechedzawo hurumende yeNTC.

Zimbabwe mwedzi wapera yakadzinga vaive mumiriri weLibya muZimbabwe, VaTaher Elmegrahi, mushure mekunge vabuda pachena kuti vakanga votsigira sangano reNTC.

Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJoey Bimha vakabva vazivisa kuti Zimbabwe yaizomirira danho richatorwa nesangano reAfrican Union panyaya yeLibya.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mutasa vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nesangano reAfrican Union rakanaka chose, asi chete kuti rakanga rada kunonokwa.

XS
SM
MD
LG