Accessibility links

Breaking News

Africa Yooneka Asi Ndiyani Achasimudza Mukombe weWorld Cup?


Neymar, Messi naRonaldo.
Neymar, Messi naRonaldo.

Nyika dzose shanu dzemuAfrica dzange dziri kumakundano eWorld Cup kuRussia dzabuda mumakwikwi aya zvichitevera kukundwa kwakaitwa Senegal 1-0 ne Columbia. Pane mumwe mutambo muGroup iri, Poland yakakunda Japan 1-0.

Spain-Andres Iniesta, Brazil's-Luiz Gustavo
Spain-Andres Iniesta, Brazil's-Luiz Gustavo

Makwikwi aya ave kuenderera mberi mangwana muchikamu chechipiri chenyika gumi nenhanhatu dzasara. France iri kutamba neArgentina musi weMugovera na 4 masikati kochizoti na 8 manheru Uruguay ichitamba nePortugal.

Paul Pogba
Paul Pogba

Nemusi weSvondo Spain iri kutamba neRussia nenguva dza 4 masikati, Croatia ichitamba neDenmark na8 manheru.

Mumwe mutambo pakati peBrazil neMexico unenge uriko nemusi weMuvhuro na 4 masikati kuchiti na 8 manheru kotamba Belgium nejapan. Nemusi weChipiri na 4 masikati, Sweden ichatamba neSwiterland uku Columbia ichitamba neBritain na 8 masikati.

Colombia- Yerry Mina-Senegal-Sadio Mane
Colombia- Yerry Mina-Senegal-Sadio Mane

Kunyangwe vakawanda vave kutarisira kuona achasimudza mukombe, vakawanda muZimbabwe vanoti kukundwa uku kwakasiya maTeranga Lions aine mapoinzi mana vakaenzana neJapan nepazvibodzwa zvekare asi maSenegal yave kudzoka kumba nemhaka yekuti vakawana makadhi akawandisaa kudarika Japan. Senegal yawakinwa iine makadhi matanhatu, maviri kudarika Japan.

Asi mutsigiri weDynamos VaTapiwa Mahwengwa havasi kugutsikana nemutemo mutsva uyu vachiti ivo wanga wakatarisana nekutsikirira Senegal.

Mutsigiri weDynamos VaAlpha Muganiwa vanoti varikurwadzikana zvikuru nekubuda kwaita Senegal mumakwikwi aya vachiti ivo vaedza asi zvaranmba. Senegal yave kubatana naEgypt, Morocco, Nigeria, ne Tunisia kudzoka kumba kuchisara kuWorld Cup kusina kana chikwata chimwechete chemuAfrica.

Asi kune vakawanda vanofunga kuti zvinhu ingadai zvisina kumira zvakadai, dai vabati vepembe vaiita basa ravo vasina divi ravaive vakarerekera. VaAllen Moyana vanotaura maonero avo. Muongorori wemutambo wenhabvu vaFarai Kambamura vanotsinhira.

Asi VaKambamura vanoti Africa haifanire kugara ichingochema asi kuti vawedzera mwando mumatambiro avo kuitita kuti kana pachibirirwa panoshaika chekubirira chacho.

Muongorori wemutambo uyu anoti Africa inofanira kuregedza zvekutsvaga varairidzi kunze asi kuti vatarise vari mudanga sezvo vane ruzivo sezvaratidzwa naAlilou Cisse weSenegal.

Asi VaMuganiwa vanoti varikutarisira zviri nani kubva kuAfrica mumakundano anotevera. World Cup inotevera ichaitirwa kuQatar muna 2022. Ipapo Zimbabwe inenge yadzoka mumakwikwi aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG