Accessibility links

Breaking News

Africa Day Inocherechedza Vakawanda Vachiti Vari Kushupika


Map of countries in Africa where U.S. Assistant Secretary of Commerce for Industry & Analysis Marcus Jadotte will travel in March 2016.
Map of countries in Africa where U.S. Assistant Secretary of Commerce for Industry & Analysis Marcus Jadotte will travel in March 2016.

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzemuAfrica kurangarira zuva reAfrica Day vakawanda vachiti varangarira zuva iri vachitambura.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaLovejoy Rupato, vati zvinosuwisa kuti nyika iri kurangarira zuva iri munyika muine kupesana munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaRupato vati vanhu vanofanirwa kubatana munyika zvozotekeshera mudunhu reAfrica rose.

Izvi zvatsigirwa naVaKilford Garamushoma avo vati havaone chikonzero chekupemberera zuva ranhasi sezvo dzimwe nyika dzemuAfrica dzichiregerera zvizvarwa zvemuZimbabwe panyaya dzekugadzirisa zvinetswa zviri munyika.

VaChristopher Magaso vati hapana kubatana kwechokwadi muvanhu vemuAfrica umo mune zviwanikwa zvakawanda, asi vanhu vacho vachishupika.

VaMagaso vati dai nyika dzakabatana mudunhu reAfrica, dzingadai dzakagadzirisa matambudziko ari munyika munyaya dzezvematongerwo enyika ayo vati ave nenguva.

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vati kushaikwa kwezvinhu zvinodiwa mukurarama kwemunhu wese kunotyora kodzero dzemunhu izvo vati hazvienderane nemweya wekubatana muAfrica.

Mumashoko avo pahurongwa hwekucherechedza zuva iri hwakaitwa nezuro, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vakati vanofara zvikuru kuti African Union inogara yakamira neZimbabwe nguva dzose.

Asi VaMoyo vakashushikana zvikuru netsaona dziri kugara dzakavhiringa dunhu reAfrica, zvikuru rekuchamhembe, uko kwakavhiringwa nedutumupengo reCyclone Idai

Zuva reAfrica Day rave nemakore makumi mashanu nematanhatu richirangarirwa kubva pakaumbwa boka reOrganization of African Unity musi wa25 Chivabvu 1963.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG