Accessibility links

Breaking News

ACR Inoti Ichaenda Ku Supreme Court Kupikisa Mutongo waVa Hungwe


Ukuwo mukuru we ACR, Va Andrew Cranswick, vanoti vacharamba vachienda kumatare ari pamusoro kuitira kuti nyaya yavo igadziriswe. Vati kambani yavo ichine chido chekutaurirana nehurumende kuti vagadzirisane panyaya yeminda yemangoda iyi

Nyanzvi munyaya dzezviri kuitika kwa Marange dzinoti dzakashamiswa zvikuru nemutongo mutsva wakapihwa nedare re High Court nezuro umo VaCharles Hungwe vakarasa mutongo wavakambopa vachiti kambani ye African Consolidated Resources ndiyo yaiva nemvumo yekuchera mangoda e kwa Marange.

Ukuwo mukuru we ACR, Va Andrew Cranswick, vanoti vacharamba vachienda kumatare ari pamusoro kuitira kuti nyaya yavo igadziriswe. Vati kambani yavo ichine chido chekutaurirana nehurumende kuti vagadzirisane panyaya yeminda yemangoda iyi.

Dare re Supreme Court rakatonga gore rapera kuti kucherwa kwemangoda ekwa marange kumbomira kusvika nyaya iyi yapera, asi izvi hazvina kuitika.

Va Dewa Mavhinga inyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu, uye vachishanda ne Crisis in Zimbabwe Coalition, zvakare vari mumwe weavo vanga vachitevera nyaya yemangoda ekwa Marange kwemakore. VaMavhinga vati zvakaitwa naVa Hungwe zvinoshamisa.

XS
SM
MD
LG