Accessibility links

Breaking News

SADC Inopa VaZuma Mutoro weKugadzirisa Nyaya yeZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kutora danho rakati kurei rwendo runo mukugadzirisa nyaya yeZimbabwe yatemesa musoro nyika dzakawanda.

SADC Troika iri kuda kuti gakava remuZimbabwe rigadziriswe mukati memazuva gumi nematatu kutanga neChishanu.

Izvi zvakabuda neChina pamusangano wakaitwa kuMozambique weSADC Troika wekuyedza kugadzirisa gakava riri muZimbabwe. SADC Troika inenge ichibatsirawo VaZuma kuti vaone kuti izvi zvaitwa.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakabvuma kuti vadzokere mukumbodyidzana neZanu-PF mudare remakurukota mushure mekumira kwemasvondo matatu.

SADC yakati nhaurirano ngadziitwe zviri pachena, uye mapato ose anofanirwa kuremekedza chibvumirano cheGlobal Political Agreement, pamwe nezvisungo zvakatarwa neSADC muna Ndira. Zvisungo zveSADC zvakaitwa muna Ndira zvinosungira hurumende yemubatanidzwa kuti igadzirise gakava riripo panyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanoti vanotarisira kuti SADC ichagadzirisa dambudziko rakatarisana nehurumende yemubatanidzwa.

Ukuwo mutevedzeri wemutauriri weZanu-PF, VaEphraim Masawi, vanoti hapana chinoshamisa pakudzoka kweMDC muhurongwa hwehurumende yemubatanidzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG