Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Yokurudzirwa Kufuratira Zimbabwe


Masangano akazvimirira ega, magweta nevanhuwo zvavo, vasvika mu Namibia neMuvhuro umo vari kukurudzira ve Kimberly Process kuti vambomisa Zimbabwe kutengesa mangoda pamusika wepasi rose.

Musangano we Kimberly Process watanga nekuongorora nyaya ye Zimbabwe. Sangano re Human Rights Watch rimwe remasangano ari kukurudzira kuti KP imbomisa Zimbabwe kutengesa mangoda ayo.

Sangano iri rinoti rakatumira vanhu kunoongorora kwaMarange mwedzi wapera, rikaona kuti masoja achiri kumbunyikidza vanhu, kuvamanikidza kuchera mangoda, uye kuatengesa zvisiri pamutemo ku Vila de Manica ku Mozambique.

Ishe Norman Chiadzwa, avo vakambosungwa nehurumende pamusoro pemangoda, mumwe weavo vaenda vari pasi pehurumende. Ishe Chiadzwa vanonzi vari kukumbira ruregerero kune ve KP kuti vakavanyepera kuti musha wavo wainga waparwadza nemasoja.

Va Tinoziva Bere rimwe remagweta anorwira kodzero dzevanhu. VaBere vanoti pane humbowo hwekuti vanhu vari kushungurudzwa nemasoja kwaMarange, uye veKimberly Process havafanirwe kusiya Zimbabwe ichimbunyikidza kodzero dzevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG