Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vashanu Vanopfurwa paPurazi rekuChinhoyi


Vashandi vashanu vepapurazi re Friedawil muChinhoyi vanonzi vapfurwa neChishanu mangwanani, ndokubva vaendeswa kuchipatara. Vanoziva zvaitika vanoti vashandi ava vakuvara zvikuru.

Vashandi ava ndevepapurazi raVaLouis Fick, vanova chizvarwa chekuSouth Africa. Vapfurwa ava vanosanganisira mushandi wemumba maVa Fick, uyo anonzi apfurwa padundundu.

Zvinonzi purazi iri riri kuda kutorwa nemutevedzeri wemukuru webhanga guru renyika, Va Edward Mashiringwani. Munhu apfura vashandi ava anofungidzirwa kuti mushandi waVa Mashiringwani.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa, kanawo VaMashiringwani, kuti tinzwe divi ravo.

VaOkay Machisa ndivo National Director veZimRights. VaMachisa vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu mumapurazi ari kutorwa nechisimba.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....

XS
SM
MD
LG