Accessibility links

Breaking News

MDC Yombomira Kudyidzana neZanu-PF muHurumende


National Executive yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yaita musangano wechimbichimbi ikabuda nechisungo chekuti makurukota ayo ose ambomira kupinda mudare remakurukota, kana kuti cabinet, pamwe nereCouncil of Ministers, senzira yekuratidza kusafara kuri kuita bato iri nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vati pane zvinhu zvakati kuti zvisati zvagadziriswa zvakaita senyaya yegavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, uye kusungwa kwemubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett.

Apo VaTsvangirai vanga vachitaura, dare reHigh Court ranga richapawo mutongo waro wekuburitsa muhusungwa VaBennett. Mutongi wedare iri, VaCharles Hungwe, vati VaBennett vanofanirwa kuburitswa muhusungwa pasina mari yechibatiso yavabvisa.

Izvi zvinotevera komekedzo yaitwa nerimwe remagweta ari kumirira VaBennett, VaHarrison Nkomo, avo vaudza dare kuti rinofanirwa kuremekedza mutongo wakapihwa neSupreme Court, iyo yakapa VaBennett mukana wekubvisa zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica semari yechibatiso. VaNkomo vatiwo hapana dare rinofanirwa kushandura mutongo wesupreme Court.

Chief whip weZANU-PF mudare reparamende, uye vari nhengo yeCentral Committee yebato iri, VaJoram Gumbo, vanoti zvaitwa neMDC hazvisi zvinhu zvinokurudzirwa.

Ukuwo mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamira wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vanotiwo kusungwa kwaVaBennett kunonyadzisa zvikuru. VaMutambara vanoti vachaedza kuyananisa kuti VaMugabe naVaTsvangirai vataurirane pane zvose zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....

XS
SM
MD
LG