Accessibility links

Breaking News

Kunetsana neKusvibisana Kotsviriridza muZanu-PF


Matunhu matatu emuMatabeleland aramba kurudziro yepolitiburo yeZANU-PF yekuti asarudze munhu achatsviva mushakabvu Joseph Msika semumwe wevatevedzeri vaviri vemutungamiri webato reZANU-PF.

Munyori wezvekufambiswa kwemabasa muZANU-PF, VaDidymus Mutasa, vakapa kurudziro yekuti matunhu aya asarudze munhu achatsiva VaMsika neChitatu. Politiburo yeZANU_PF inonzi iri kutarisirwa kuzeya nyaya iyi paichasangana asi hapna zuva rati rapihwa kuita izvi..

Nhengo yePolitiburo yeZANU-PF, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti havasi kuda pfungwa yekuti matunhu matatu eMatabeleland chete asarudze achatsviva VaMsika, asi kuti izvi zviitwe nematunhu gumi ose enyika. Vamwe vari kuti sachigaro weZANU-PF, VaJohn Nkomo, havangatore chigaro ichi sezvo vari kupomwerwa mhosva yekuita zvehungochani.

Bepanhau reHerald rinotiwo sachigaro weMatebeleland North, VaZenzo Ncube, avo vange vachiramba kutambira kurudziro yaVaMutasa, vati havachadi zvematongerwo enyika. Asi VaNcube vaudza Studio7 kuti aya manyepo sezvo vangomiswa basa chete vachinzi pane mari dzavasina kufambisa zvakanaka.

Bulawayo Province chete ndiyo yakadoma VaNkomo asi zvinonzi mamwe matunhu maviri haasi kuwirirana sezvo vamwe vari kuda vamwe vanhu vasiri VaNkomo vakaita semumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, uye gavhuna weBulawayo, VaCain Mathema. Vamwe vanotiwo VaAmbose Mutinhiri vakandawo nguwani mudariro.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe. VaMakumbe vanoti vekuMatebeleland vari kutaura chaizvo zvinofanira kuitwa mukusarudza vakuru vebato.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG