Accessibility links

Breaking News

IOM Yotsvagira Vari Kunze Mabasa


Sangano reInternational Organisation for Migration, IOM, rinoti rakaparura hurongwa hwekukwezva zvizvarwa zveZimbabwe zvine hunyanzvi zviri kunze kwenyika, kuti zvidzoke kumusha kuitira kuti zvibatsire mukuumba zvakare hupfumi hwenyika.

IOM nebazi rezvedzidzo yepamusoro, vakaparura website inoshambadza mabasa anokwanisa kuwanikwa nenyanzvi dziri kunze kwenyika.

Makambani ari munyika anenge achitsvaga nyanzvi anokwanisa kushambadza mabasa pa website iyi, www.zimbabwehumancapital.org.zw.

Mukuru wezvehunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko musangano reIOM, VaTinomuda Mahunyepa, vanoti website yavo yanga isiri kushanda zvakanaka neChipiri, sezvo vanga vachiivandudza. VaMahunyepa vanoti kubva neChitatu, veruzhinji vanenge vokwanisa kushandisa website iyi zvakare.

Chipangamazano mubazi reMigration and Development Unit, VaPeter Mudungwe vanoti zvakakosha zvikuru kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviite muonera pamwe pakuumba nyika, kwete kusiira vari munyika chete.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG