Vamwe vakuru muZanu-PF vanoti dare remakurukota rinofanira kupa hurumende masimba ekutora mapurazi evachena asara mumwedzi mishoma inotevera.
Zvinonzi mugwaro rakaturwa mudare remakurukota
negurukota rezveminda, VaHerbert Murerwa, vanoda kuti minda iyi itorwe
mukati memakore maviri, uye hapana munhu asiri mutema anofanira
kuve nepurazi.
Vachena vasara vane mapurazi vanonzi vangangosvika mazana matatu chete. Ukuwo sangano reGAPWUZ rinoti vashandi vemumapurazi vanosvika 66 000 havana pekugara nenyaya yekutorwa kweminda kubva muna Kukadzi.
Gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaDidymus Mutasa, vanoti bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya yeminda.
Mutauriri
we MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, varamba
kuti dare remakurkota rakawirirana panyaya iyi. Ukuwo mutauriri
weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kutevedza mitemo pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu.
Sangano re European Commission
rinoti rine mari yekubatsira Zimbabwe mukuongorora chirongwa chekugova
ivhu patsva. European Commission inoti ongororo iyi ndiyo yega
ingabatsira kugadzirisa zvakakanganiswa nemafambisirwo akaitwa
chirongwa chekugovera vanhu ivhu patsva.
Mutungamiri we EC muZimbabwe, Va Xavier Marcah, vanoti sangano ravo riri kuda kubatsira hurumende muongororo iyi kuitira kuti zvibude pachena kuti mapurazi aya akapihwa vanhu vakaita seyi.
Va Brian Kagoro igweta uye vachiongorora zvematongerwo enyika. VaKagoro vanoti havanzwisisi hurongwa hwe EC sezvo paine zvinhu zvakakosha zvinofanirwa kunge zvichiitwa, zvakaita sekuwanira vanhu chikafu.