Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoshora Maitiro aVaShamu


Vakuru vakati chakupa ronda chati nhunzi dzikudye. Izvi ndizvo zviri kutyirwa neveruzhinji munyika, mushure mekuziviswa kwevachange vachishanda vari mumabhodhi akasiyana siyana ane chekuita nenhau munyika.

Kudomwa kwevaive muchiuto, pamwe nevamwe vanoonekwa sevakarerekera kubato reZanu PF, uye munhu anozivikanwa nekudzvanyirira vatori venhau, VaTafataona Mahoso, kuti vange vari nhengo dzemabhodhi aya kunoonekwa seronda rapiwa nyika.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vakazivisa mazita evaive muchiuto vapfumbamwe avo vachange vari mumasangano aya.

VaMahoso vachange vari sachigaro weBroadcasting Authority of Zimbabwe, iyo ichange ichiona nezvekupa marezinesi kumakambani anoda kutanga kutepfenyura ari munyika.

Bato reMDC nevamwe vanoti zvakaitwa naVaShamu izvi hazvisi pamutemo. VaPedzisai Ruhanya vaimbowe mutori wenhau webepanhau rakavharwa reDaily News, uye vave kushanda neCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti VaShamu havafanirwe kuona vachiisa ruoko rwavo munyaya dzeZimpapers nokuti Zimpapers ikambani yakazvimirira.

VaOwen Matava ndivo sachigaro veCommunity Newspapers Association of Zimbabwe. VaMatava vanoti havaoni chakaipa kana vaimbove mauto vakadomwa kuti vave nhengo dzemabhodhi akasiyana siyana. VaMatava vatiwo vanhu vanofanirwa kubudirana pachena vachitaura chokwadi sezvo vasingaoni pakatadzwa naVaMatava.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG