Accessibility links

Breaking News

VaGokova Vanoti Hurumende Iri kuOresa Mwoyo  yeVanhu


Mamwe masangano akazvimirira pamwe nemamwe emachechi anoti chivimbo chavo muhurumende yemubatanidzwa, chiri kudzikira zvikuru, sezvo hurumende iyi iri kutadza kugadzirisa nekukasika zvinhu zvakawiriranwa muchibvumirano cheGPA.

Vachitaura mukupera kwesvondo pakugamuchira kwavo chigaro chasachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, sachigaro mutsva uyu, VaJonah Gokova vakati hurumende yemubatanidzwa iri kuoresa vanhu mwoyo nekukundikana kwayo kuzadzisa zvayakavimbisa payakaumbwa.

Vakatiwo zvizhinji zviri kutadza kuzadziswa nekukasika nehurumende iyi, zvinhu zvakanangana nezvematongerwo enyika. Vakati zvinhu izvi hazvikwanisi kugadziriswa nevezvematongerwo enyika chete, asi kuburikidza nezvizvarwa zveZimbabwe zvose.

Mamwe masangano aive pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition anoti haachineyi nesangano iri, sezvo pava nepfungwa nemaonero akasiyana pamafambisirwo ehurumende yemubatanidzwa

VaGokova vanotiwo vemachechi nemasangano akazvimirira vaifanirwawo kupinzwa muhurongwa hwekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG