Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokwezva Makambani eKunze


Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti hurumende yemubatanidzwa yashanda zvakaomarara kuti munyika muve nekugadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Va Mugabe vataura mashoko aya pamusangano wemazuva maviri wekuzeya nyaya dzezve zvicherwa kana kuti Zimbabwe Mining Indaba, uyo watanga mu Harare neChitatu.VaMugabe vakurudzira vekunze kuti vauye kuzotanga mabhizinesi munyika. Vatorawo mukana uyu kutaura nezvezvirango izvo vanoti vakatemerwa nenyika dzakabudirira. VaMugabe vati zvirango izvi zviri kurwadza zvikuru zvizvarwa zveZimbabwe.

Makambani ekunze kwenyika anonzi asima mari muZimbabwe yekutanga makambani matsva inosvika mazana mana nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora ekuAmerica.

Makambani mazhinji ekunze anga asingachadi kutanga mabhizinesi muZimbabwe, asi izvi zvava kuitika sezvo vamwe vari kuona remangwana rakanaka muhurumende yemubatanidzwa.

Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, Va Elton Mangoma, vanoti makmabani akawanda ari kuratidza chido chekusima mari muZimbabwe, izvo zviri kuratidza kuti remangwana reZimbabwe, richange rakanaka kana nyika ikachengetedza hukama hwayo nedzimwe nyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG