Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoudza VaMugabe Kuti Vaite Zviri muChibvumirano


Mutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro weSADC, VaJacob Zuma, vanoti zvakakosha kuti mapato ezvematongerwo enyika atevedzere nekukasika zvaakawirirana muchibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Vachitaura pakuvhurwa kweHarare Agricultural Show neChishanu, VaZuma vati kuremekedza chibvumirano ichi ndiko chete kuchaita kuti Zimbabwe ifambire mberi.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaZuma vaudza vatungamiri vemapato ari muhurumende, pamusangano wavaita neChishanu kuti vagadzirise nyaya dziri kunetsa, kwete kumirira SADC kuti iite izvi.

Zvinonzi VaZuma vatiwo vakuru ava vanofanirwa kusangana neMuvhuro kuti vazeye nyaya iyi pachavo. VaZuma vachange vachitarisa zviri kuitika muhurumende, kuitira kuti vazopira vamwe vavo kumusangano weSADC wepagore uri kuitirwa kuDRC mwedzi unouya musiwa 7 na 8 Gunyana.

Zvinonzi VaZuma vaudza VaMugabe kuti varemekedze zvavakasaina, kuitira kuti nyaya yeZimbabwe isarambe iri pamuromo weSADC. Zvinonzi VaZuma vatiwo kana VaMugabe vakatadza kuita zvavakavimbisa, nyaya yeZimbabwe ichange iri pamusoro penyaya dzichakurukurwa kuDRC. Vati SADC inogona kuendesa nyaya iyi kuAfrican Union, kana VaMugabe vakasaita zvavari kutarisirwa kuita neSADC neAfrican Union.

VaZuma vari kuyedza kuyananisa nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, idzo dzinosanganisira humbimbindoga hwaVaMugabe hwekudoma gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kugadza muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kungosungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC, nyaya dzemagavhuna, pamwe nekusatoreswa mhiko kwaVa Roy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMpani vanoti Zanu PF iri kutya kutambira nyaya yeshanduko izvo zviri kupa kuti isaremekedze chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG