Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa Kuyananisa VaTsvangirai naVaMugabe


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaita musangano wechimbichimbi neChitatu nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaAthur Mutambara, vakazeya nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Vatatu ava vazeyawo nyaya yemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vari kutarisirwa kupinda munyika mukupera kwNyamavhuvhu kuitira kuti vaedze kugadzirisa nyaya dzichiri kunetsa.

Vakuru muhurumende vanoti VaZuma vari kutarisirwa kupinda munyika musi wa27 Nyamavhuvhu. Rwendo rwaVaZuma runotevera musangano wavakaita naVaTsvangirai mukutanga kwaNyamavhuvhu.

Nyaya dzichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa dzinosanganisira kusungwa kwenhengo dzeMDC, kugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kugovanwa kwemagavhuna nevamiriri vekune dzimwe nyika, uye nyaya dzevasungwa vezvematongerwo enyika.

VaInnocent Sithole inyanzvi munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika. VaSithole vanoti VaZuma vanofanirwa kuratidza kuti vane meno kudarika vaimbove mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, avo vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....

XS
SM
MD
LG