Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Voburitsirana Makano neNyaya yeMasimba

Kusawirirana pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, panyaya yekugovana masimba, kuri kuenderera mberi.

Bepanhau reHerald rinoti gwaro rakanyorwa naVaTsvangirai vachida kuti pavandudzwe mashandiro edare remakurukota, rinoratidza kuti vave kuda kutora masimba aVaMugabe.

Bepanhu iri rinoti VaTsvangirai vari kuda kuti makurukota ehurumende ave pasi pavo, uye vanoda kuti gurukota rezvemari, ringe richishanda riri muhofisi yavo.

Asi gurukota rinoshanda muhofisi yaVaTsvangirai, VaGorden Moyo, vaudza Studio7 kuti gwaro iri rakabva kuhofisi yavo asi vashamisika kuti rakasvika sei kuHerald sezvo rakapihwa vanhu vashoma vakatora mhiko yeOfficial Secrets Act.

VaTsvangirai vakakurudzira kukomiti yakaumbwa nedare reCouncil of Ministers kuti ione kushanda kwehurumende. Komiti iyi, iyo ine makurukota matatu anoti VaWelshman Ncube, VaTendai Biti naVaPatrick Chinamasa, yakanzi iite basa iri muna Kubvumbi, asi kusvika pari zvino hapana chati chabuda.

VaMugabe ndivo vachiri vakabata matomu, VaTsvangirai vachirambidzwa kuita sachigaro wedare remakurukota kana VaMugabe vasipo. Kunetsana uku kunoitikawo apo MDC iri kugunun’una kuti Zanu-PF haisi kutevedzera chibvumirano cheGPA, uye nyaya iyi yakatokwidzwa kuSADC.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaMbeki havana kunyatsopedza basa samutongi gava.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG