Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Inoshora Hurumende yeMubatanidzwa


Nhumwa dzesangano reKimberly Process rinoti Zimbabwe inofanirwa kusunga dzisimbe pamabatiro ayiiri kuita kucherwa kwemangoda kwaChiadzwa kwaMarange kuManicaland. Mashoko enhumwa idzi anotevera ongororo yakaitwa nesangano iri pachikiribidi pamwe nehuori hunonzi huri kuitwa kwaChiadzwa.

Vamiriri veKimberly Process vanga vari munyika vanoti vakarwadzikana zvikuru nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwaChiadzwa nehurumende. Vanoti vakaona nemaziso avo vanhu vakakuvadzwa nemasoja pamwe nemapurisa.

Vanotiwo vane humbowo hwekuti mauto ane chekuita nekucherwa kwemangoda zvisiri pamutemo kwaChiadzwa.

Mutevedzeri wegurukota remigodhi ku Liberia, Va Kpandel Fiya, avo vaitungamirira vanhu gumi nemumwe veKimberly Process, vanoti mugwaro rekutanga risina hudzamu ravapa hurumende, vakurudzira kuti kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu kumiswe zvachose.

Vatiwo Zimbabwe ikasatevedza mitemo ye Kimberly Process, inogona kubviswa panyika dzinobvumidzwa kutengesa mangoda pasi rose. Sangano iri ratiwo masoja ari kwaChiadzwa anofanirwa kubviswa sezvo ari kutyora kodzero dzevanhu, pamwe nekuita zvisiri pamutemo. VaMurisi Zwizwai ndivo mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa.

VaZwizwai vanoti hurumende ichatambira kurudziro yeKimberly Process uye ichaita zvose zvainokwanisa kuitira kuti Zimbabwe ive nyika inoremekedzwa pasi rose.

Sangano reHuman Rights Watch rimwe remasangano akaita ongororo yezviri kuitika kwaChiadzwa. VaDewa Mavhinga vanoshanda sechipangamazano mu Human Rights Watch. VaDewa vanoti zvakawanikwa neKimberly Process zvinotsigira zvakabuda muongororo yavakaita.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG