Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vosangana naVaMugabe neMuvhuro


Mushure mekunge zvinhu zvaita manyama amire nerongo muhurumende yemubatanidzwa, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakumbira kuti paitwe musangano wechimbichimbi nemuvhuro pakati pavo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

MDC inoti haisi kufara nekuti VaTsvangirai vari kuti zvinhu zviri kufamba muhurumende, asi nhengo dzedare reparamende dzavo nhanhatu dzichigona kurasikirwa nezvigaro nemhosva dziri kumatare.

MDC iri kudawo kuti zvimwe zvimhingamupinyi zviri muhurumende zvakafanana nenyaya yagavhuna webhang aguru renyika, re RBZ uye muchuchusi mukuru wehurumende, dzigadziriswe.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Regional Coordinator musangano reCentre for the Study of Violence and Reconciliation muCape Town kuSouth Africa.

VaMpani vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti musangano weMuvhuro kurovera hoko padehwe retsindi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG