Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Inonyunyuta neKuumbwa kweZimbabwe Media Commission


Sangano reMISA-Zimbabwe rinoti riri kunyunyuta nemafambisirwo ari kuitwa hurongwa hwekutsvaga nhengo dzichatungamira komisheni ichange ichiona nezvekufambiswa kwemabasa enhau munyika, yeZimbabwe Media Commission.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, MISA-Zimbabwe inoti hapana nzira dzakati tsvikiti dzakatarwa dzekusarudza nadzo vachange vari mukomisheni iyi, sezvo zviri kuitwa chete nevemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, izvo zvinozopa kuti nhengo dzinosarudzwa dzinge dzakarerekera kune vezvematongerwo enyika.

Chimwe chiri kunzi neMISA-Zimbabwe hachisi kuburitswa pachena, inyaya yenguva ichatorwa nekomiti iri kutungamira hurongwa uhu, uye kusaburitswa pachena kwevanenge vaisa mazita avo vachitsvaga basa rekupinda mukomisheni.

Mazita evanenge vasarudzwa neparamende achazoendeswa kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, sezvo vari ivo vanozosarudza vasere vari kudiwa kuita basa iri.

Director weMISA-Zimbabwe, VaTakura Zhangazha, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kana hurumende yakaenda mberi nehurongwa uhu, komisheni ichasarudzwa inofanirwa kuve yenguva pfupi chete.

Asi sachigaro weSub Committee iri kutungamira hurongwa uhu, uye vari nhengo yeMDC inomirira Masvingo Urban, VaTongai Matutu, vanoti komiti yavo iri kungotevera zviri mubumbiro remitemo re Constitutional Ammendment Number 19.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG